Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero dzeVanhukadzi Opeta Maoko Awo paNyaya yaMuzvare Khupe?


Zimbabwean women react as they wait to casts their votes at a polling station in Domboshava, about 45 km (28 miles) north of Harare July 31, 2013. Zimbabweans voted in large numbers on Wednesday in a fiercely contested election pitting veteran President R
Zimbabwean women react as they wait to casts their votes at a polling station in Domboshava, about 45 km (28 miles) north of Harare July 31, 2013. Zimbabweans voted in large numbers on Wednesday in a fiercely contested election pitting veteran President R

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nemadzimai anorwira kodzero dzevanhukadzi vari kushoropodzwa zvikuru zvichitevera kunonzi kukundikana kwavo kumirira kodzero dzevanhukadzi vanenge vachishungurudzwa munyaya dzematongerwo enyika.

Kushoropodzwa uku kunoitika zvichitevera kushungurudzwa kuri kuitwa mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, avo vakaudza vatori venhau, kusanganisira Studio7, kuti ndivo vava panyanga dzeMDC yose.

Izvi zvakaitika mushure memutongo wedare repamusoro wakaturwa naAmai Edith Mushore wekuti kugadzwa kwakaitwa VaNelson Chamisa naEngineer Elias Mudzuri, sevatevedzeri vaVaMorgan Tsvangirai muna 2016, kwainge kusiri pamutemo.

Mukuru weDivine Destiny Network, Bishop Anselmo Magaya, vanoti madzimai anomirira kodzero dzevanhukadzi nguva zhinji akarerekera kumapato avanotsigira, kwete kumadzimai avanomirira.

Bishop Magaya vanoti izvi zvakabuda pachena pana Muzvare Khupe avo vari kushoropodzwa nemamwe madzimai anotsigira VaChamisa.

Vakadzingwa semutauriri weMDC-T, avo vave kutungamirira bato ravo idzva reLEAD, Amai Linda Masarira-Kaingidza, vanotiwo vanoshungurudzika nezviri kuitwa Muzvare Khupe.

Amai Masarira-Kaingidza vanoti vatsigiri veMDC yaVaChamisa vanofanirwa kuenda kumatare edzimhosva kana vasiri kufara nemutongo wakaitwa wekuti Muzvare Khupe ndivo vave vanofanirwa kufanobata chigaro chemutungamiri weMDC zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai gore rapera.

Amai Masarira-Kaingidza vanoti vari kushamiswawo kuti seyi madzimai anorwira kodzero dzemadzimai akangonyarara panguva iyo Muzvare Khupe vari kushoropodzwa.

Munyori ane mukurumbira, Amai Joyce Jenje Makwenda, vanotiwo vakadzi vanorwira kodzero dzemadzimai vakarerekera kumapato anoita zvematongerwo enyika uye vazhinji vacho havana hany’a kana moyo wekubatsira mamwe madzimai.

Mutauriri weHouse of Assembly, VaJacob Mudenda, vanoti madzimai anofanirwa kufora achiratidzirakuti zviri kuitika izvi hazvienderana nezvakatarwa mubumbiro remitemo yenyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weMDC-T, Muzvare Isabella Mwonzora, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi.

Asi mutevedzeri waMuzvare Khupe, Va Obert Gutu, vanoti masangano anomirira madzimai akawanda haabudi pachena achipikisa kunyombwa kwevamwe vavo.

VaGutu vanoti mamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai aripo kutsvaga mari chete uye nokufamba nendege vachienda kunze kwenyika kumisangano inozeya kodzero dzevanhukadzi.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vakati bato ravo harisi kuzotadza kuita hope nemashoko aMuzvare Khupe ekuti ndivo vava panyanga.

Asi bato iri rinoti rakaunganidza magweta achange achitungamirwa naVaThabani Mpofu kuti apikise mutongo waAmai Mushore.

Zvichitevera hurukuro yakaitwa naMuzvare Khupe neStudio7 svondo rapera, vanhu vakawanda vakanyora mashoko paFacebook yedu vachizvidza Muzvare Khupe, vamwe vachishandisa mashoko asingaiti kuburitswa, asi vamwewo vachiti Muzvare Khupe vainge vaita zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG