Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Votsigira Gwaro reBumbiro paReferendamu


Madzimai Otaura
Madzimai Otaura

Mamwe masangano evanhukadzi anoti achatsigira gwaro rebumbiro pareferendamu ichaitwa nekuti rine zvinhu zvizhinji zvavanoda.

Mamwe masangano evanhukadzi anoti reWomen’s Coalition, Zimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA) neWomen Trust, anoti achatsigira gwaro rebumbiro reCOPAC pareferendamu ichaitwa nekuti rine zvinhu zvizhinji zvavanoda kana zvichienzaniswa nebumbiro riri kushandiswa pari zvino.

Vamiriri vemasangano aya vakataura mashoko aya neChipiri manheru pamusangano weLadies Night wainge wakarongwa nebazi rekudyidzana neveruzhinji pamuzinda weAmerica muZimbabwe.

Aimirira ZWLA, Muzvare Elizabeth Danga, vakaudza musangano uyu kuti vachakurudzira vanhukadzi kutsigira bumbiro reCOPAC mureferendamu ichaitwa nekuti rine zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana rezvezvinhu zvavanoda kuti zvive mubumbiro remitemo yenyika.

Asi vanoti vacharamba vachirwisa kuti zvese zvavanoda kuti zvipinzwe mubumbiro remitemo yenyika.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muWomen’s Coalition, Amai Netsai Mushonga, vakatiwo kunyange hazvo gwaro rebumbiro reCOPAC riri nani, harina kunyatsobata zvakanaka nyaya yekupa vanhukadzi zvigaro zvakaenzana pazvigaro zvematongerwo enyika.

Vakatiwo vachaedza kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe pamusangano weSecond all Stakeholdrs Conference, uye kana zvikaramba, vachatsigira bumbiro reCOPAC pareferendamu.

Asi vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reNational Constitutional Assembly, NCA, VaBlessing Vava, avo vakapindawo mumusangano uyu, vakati havasi kufara kuti masangano aya anoda kutsigira gwaro risina zvese zvavari kuda.
NCA inoti ichakurudzira veruzhinji kuti vasatambire gwaro rebumbiro idzva pareferendamu ichiti zvakabva muvanhu hazvina kuiswa mugwaro iri.

Sangano iri rakakurudzira vanhu muna Kukadzi 2000 kuti varambe kutambira bumbiro rakanga ranyorwa nekomiti yaitungamirwa nemukuru wematare edzimhosva, VaGodfrey Chidyausiku.

Ukuwo mapato ari muhurumende yemubatanidzwa haasi kuwirirana zvichitevera danho rakatorwa neZanu PF rekuwedzera pamwe nekubvisa zvimwe zvinhu zviri mugwaro rakanga rabvumiranwa nemapato.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG