Accessibility links

Breaking News

WHO Inoti Haisati Yatambira Nhomba dzeCovid-19 Dziri Kushandiswa muZimbabwe


Zimbabwe Vice President First Candidate for Sinopharm Covid-19 Vaccine
Zimbabwe Vice President First Candidate for Sinopharm Covid-19 Vaccine

Sangano reWorld Health Organisation, WHO,rinoti nhomba dziri kushandiswa muZimbabwe dzakagadzirwa kuChina hadzisati dzatambirwa nesangano iri zviri [amuteno kuitira kuti dzishandiswe neveruzhinji mukudzivirira chirwere cheCovid-19.

WHO inoti ichiri kuongorora nhomba mbiri idzi dzeSinovac neSinopharm.

Mumiriri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vati nhomba dzekuChina dzeSinovac neSinopharm dzave padanho repamusoro soro mukuongororwa, uye vanotarisira kuti panopera mwedzi uno waKubvumbi, WHO inenge yapedza kuongorora nhomba idzi.

Mashoko aVaGasasira anoburitsa pachena kuti nhomba dzeSinovac neSinopharm dziri kushandiswa munyika, hadzisati dzapihwa chitambi neWHO kuti dzishandiswe neveruzhinji.

Vachipindura mubvunzo weStudio7 wekuti zvinhu zvinotarisirwa here kuti nyika dzishandise nhomba dzisati dzakomekedzwa neWHO, VaGasasira vati sesangano vanokurudzira masangano anotarisa mishonga munyika dzakasiyana siyana kuti aongorore nhomba idzi dzisati dzashandiswa kune veruzhinji.

VaGasasira vati sangano rinoongorora nekubvumidza mishonga munyika reMedicine Control Authority of Zimbabwe, MCAZ, rakati rakatarisa nhomba idzi rikagutsikana kuti dzakanakira zvizvarwa zveZimbabwe.

VaGasasira vatiwo Zimbabwe hasi iyo yega nyika iri kushandisa nhomba dzekuChina idzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuMCAZ kuti yakaita ongororo yayo riini, uye kuti zviyi zvakabuda muongororo iyi.

Zimbabwe pari zvino iri kushandisa nhomba mbiri dzekuChina, yeSinovac neSinopharm

Nhomba dzekuChina idzi dzinonzi dzaita mitauro kune dzimwe nyika kunyanya nhomba yeSinovac inonzi dziviriro yayo yakaderera pane zvaive zvataurwa neChina.

Asi mutungamiri werimwe remasangano anomirira madhokotera anoshanda akazvimiririra, Dr Johannes Marisa, vaudza Studio7 kuti kana nhomba ichidzivirira nezvikamu zvinopfuura makumi mashanu, chinhu chakakosha mukudzivirira ndufu nezvikamu izvozvo.

VaMarisa vatiwo kana vanhu vakabaiwa pamwe nekutevedzera zvinokurudzirwa, zvekupfeka mamasiki, kusaungana nekugeza maoko zvinobatsira mukurwisa chirwere ichi.

VaMarisa vatiwo mimwe mishonga inodzi ine dziviriro iri pamusoro inonetsa kushandisa nekuda kwezvinodiwa pakuichengetedza.

Nyanzvi mune zvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, vati chakanyanyokosha pari zvino kuti Zimbabwe iite tsvagiridzo yayo yekuona kuti nhomba idzi dziri kushanda zvakadii munyika.

VaMadzorera vati hapana change chakaipa mukusanobaya vanhu nhomba idzi, vakati vanhu vapiwa nhomba iyi munyika vawanda zvekuti hurumende ine mukana wekuchiongorora kuti iri kushanda zvakanaka here.

VaMadzorera vati mashandiro enhomba anosiyana siyana, uye hapana chakaipa mukumira kushandisa nhomba idzi kana zvaonekwa kuti hadzisi kushanda zvakanaka.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rebazi rezvehutano nezvenyaya yenhomba dzekuChina.

Asi vachitaura pakasvika nhomba yekutanga munyika, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vakati zvimwe zvinotariswa neZimbabwe panhomba, machengeterwo enhomba idzi vakapa muenzaniso wenhomba yeSinopharm iyo vakati iri nyore kuchengeta munyika sezvo zvikwanisiro zvaidiwa zvakagara zviripo munyika.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti Zimbabwe imwe yenyika dzemuSADC dziri pamusoro mukushandisa nhomba dzakagadzirwa kuChina.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG