Accessibility links

Breaking News

Vazhinji Vofarira Kutorerwa Nyembe kwaVaMugabe neWHO


 VaTedros Adhanom Ghebreyesus veWorld Health Organization vakapa ndokutorera VaMugabe nyembe yekumiririra Boka Ravo
VaTedros Adhanom Ghebreyesus veWorld Health Organization vakapa ndokutorera VaMugabe nyembe yekumiririra Boka Ravo

Veruzhinji vanoti vari kufarira danho rakatorwa nesangano reWorld Health Organization kana kuti WHO rekukochonora nyembe dzarakanga rapa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vave mumiriri wesangano iri mukurwisana nezvirwere zvisingatapuriranwa, non-communicable diseases.

Veruzhinji muHarare vataura neStudio7 vati VaMugabe munhu akanga asingakodzere kupihwa chigaro ichi kubva pekutanga.

Mumwe ane pfungwa dzakadai ndiVa Francis Machimbidzofa avo vanoti VaMugabe vakauraya nyaya dzehutano munyika.

Mumwe mugari wemuHarare, VaKudakwashe Matibiri, vati kukatanurwa nyembe kwakaitwa VaMugabe kunoratidza kuti mafambisiro avanoita basa haayemurwe nevakawanda pasi rose.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, Muzvare Nobukhosi Makhaya, vaudza Studio 7 kuti nyaya dzehutano dzaizosimukira munyika dai VaMugabe vasina kuitwa zindakupa zindakutorera neWHO.

VaMatibiri vati chimiro chaVaMugabe pamwe nechesangano reWHO zvinosara zvakasviba zvichitevera zvakaitika izvi.

Nekune rumwe rutivi, mashoko akaburitswa negurukota rinoona nezvinoitika kunze kwenyika, VaWalter Mzembi, anoti sangano reWHO ndiro richarasikirwa zvakanyanya sezvo vachiti WHO yaikwanisa kushandisa zita raVaMugabe avo vavanoti vanozivikanwa pasi rose mukusimudzira mabasa esangano iri.

Asi Muzvare Chitimbe vati zvakataurwa naVaMzembi hazvina musoro.

VaMugabe vakadomwa neWHO kuti vaite Goodwill Ambassador svondo rapera pamusangano wakaitirwa muguta reMontevedio kuUruguay.

Asi nyembe idzi dzakatanurwa neSvondo mushure memazuva mashomanana zvichitevera kunyunyuta kwakaitwa nemasangano akawanda pamwe nehurumende yeAmerica neCanada zvichinzi VaMugabe vakauraya nyaya dzehutano muZimbabwe pamwe nekutyora kodzero dzeveruzhinji.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG