Accessibility links

Breaking News

WFP Yobatsira Zimbabwe neChikafu


Mukuru wesangano reWorld Food Programme kana kuti WFP VaEddie Rowe vanoti sangano ravo rasendeka parutivi mari inosvika mamiriyoni majumi manomwe nemaviri yekubatsira Zimbabwe nezvekudya mugore rino.

Mari iyi iri kubva muhomwe yeUnited Nations ichishanda neZimbabwe iri kuda kuunganidza mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu yakaparurwa gore rapera.

VaRowe vanoti mari iyi inogona kuwedzerwa gore rinouya kuti hurumende ibatsire vanenge vachiziya nenzara. Vanhu vanosvika zviuru zana nemakumi matatu vari kutarisirwa kubatsirwa neWFP gore rino.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti vanhu vanofanira kubatsirwa nemari dzezvikwanisiro kwete kuvapa zvekudya.

VaWonderful Manyonganise, murimisi mukuru weTotal Farm Solutions vanoti zvakakosha kuti varimi vabatsirwe nemari nezvikwanisiro kwete chikwereti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG