Panguva apo zvimwe zvikwata zvekiriketi zviri kuti hazvidi kushanyira kuZimbabwe pari zvino sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka, India yatsinira nhasi kuti iri kuuya munyika kuzotamba mitambo yema one day tri-series achange achitambirwa muHarare neBulawayo muna chivabvu naChikumi.
India yakatsiva chikwata cheNew Zealand icho chakati hachisi kuenda kuZimbabwe sezvo ichityira hupenyu hwevatambi vavo.
Chimwe chikwata chiri pamakwikwi aya, i Sri Lanka.
VaJeffrey Murimbechi, avo vanoona nezve kuburitswa kwemashoko musango reZimbabwe cricket, vanoti kuwuya kweIndia munyika kuchabatsira chirongwa chechikwata cheZimbabwe chekudzokera kuTest Status.