Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheKirikiti ChekuIndia Chobvakachira Zimbabwe Mwedzi Uno Uya


Panguva apo zvimwe zvikwata zvekiriketi zviri kuti hazvidi kushanyira kuZimbabwe pari zvino sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka, India yatsinira nhasi kuti iri kuuya munyika kuzotamba mitambo yema one day tri-series achange achitambirwa muHarare neBulawayo muna chivabvu naChikumi.

India yakatsiva chikwata cheNew Zealand icho chakati hachisi kuenda kuZimbabwe sezvo ichityira hupenyu hwevatambi vavo.

Chimwe chikwata chiri pamakwikwi aya, i Sri Lanka.

VaJeffrey Murimbechi, avo vanoona nezve kuburitswa kwemashoko musango reZimbabwe cricket, vanoti kuwuya kweIndia munyika kuchabatsira chirongwa chechikwata cheZimbabwe chekudzokera kuTest Status.

XS
SM
MD
LG