Accessibility links

Breaking News

Vagari Vopengera Kanzuru yeHarare kuWarren Park


Warren Park
Warren Park

Kanzuru yeHarare inoti iri kutsvaga nyanzvi munyaya dzezvicherwa kuti dziibatsire pakuvhara makomba ari kusiiwa nemakambani ari kuchera ivhu rekugadzira migwagwa mumusha weWarren Park.

Danho rekanzuru iri, rinotevera zvichemo zvevagari vemumusha weWarren Park zvekuti kanzuru pachayo ichishanda nemamwe makambani vari kuchera ivhu vachisiiya makomba akadzika izvo zvave kuisa hupenyu hwevagari munjodzi.

Mumwe mugari anogara pedyo nepari kucherwa ivhu iri kana kuti gravel asina kuda kudomwa nezita rake anotiwo vakuvara neguruva rinobva panocherwa ivhu iri.

Izvi zvatsigirwa nemumiriri weWarren Park muNational Assembly, VaShakespear Hamauswa veMDC Alliance, avo vati kanzuru pamwe nemakambani ainoshanda nawo iri kungochera ivhu pasina hurongwa kwekugadzirisa nzvimbo idzi.

Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti vari kugadzirisa dambudziko iri.

Asi VaHamauswa vaudza Studio 7 kuti zviri kuda kuitwa nekanzuru ndizvo zvaingadai yakaita pasati patanga kucherwa ivhu muWarren Park.

Kanzura wenzvimbo iyi, VaTichaona Nhetu, vaudza Studio 7 kuti dambudziko iri rave nenguva yakareba uye vakatomboedza kuri kugadzirisa asi izvi zvakatora nguva nekuda kwedambudziko rekudzingwa kana kumiswa mabasa kuri kuita vakuru vakuru mukanzuru yeHarare.

VaHamauswa vaudza Studio7 kuti vagari vemuWarren Park vari kushishakana zvikuru nezviri kuitika mumusha wavo uye vari mushishi rekunyora gwaro rezvichemo zvekuendesa kuparamende kuti komiti inoona nezvezviwanikwa nenharaunda iongorore zviri kuitika muWarren Park.

VaChideme vaudza Studio 7 kuti kanzuru nemamwe makambani ari kugadzira migwagwa muguta vari kutora ivhu kuWarren Park uye vati kanzuru yavo inoda kuti nharaunda iyi isare yakanaka, makomba ovharwa kuitira kuti vasapinde munjodzi.

VaChidema vati nyanzvi dzavari kutsvaga dzichavaudza kuti vogadzirisa dambudziko rekuWarren Park sei uye vatiwo vachatevedzawo zvinodiwa nebazi reEnvironmental Management Agency.

Hatina kunzwa divi reEMA panyaya iyio sezvo mutauriri wayo Amai Amkela Sidange vati vange vari mumusangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG