Accessibility links

Breaking News

Kunyoreswa kweVanhu Hakusi Kufamba Zvakanaka kuMutare Central


Vanhu variKunetseka neKunyoreswa
Vanhu variKunetseka neKunyoreswa

Mumiriri we Mutare Central muParamende, Va Innocent Gonese, vanoti kunyoreswa kwevavhoti pamwe chete nekuwana mapepa ekuti vakwanise kunyoresa hazvisi kufamba nenzira yakanaka mudunhu ravo.

VaGonese vanoti havasi kufara nechinono uye nekushaikwa kwevanyoresi panzvimbo dzavanonyoresera vanhu sekutarwa kwazvakaitwa neZimbabwe Electoral Commission.

Vanoti semumiriri wevanhu muparamende vari kuedza kuzivisa vanhu vavo pamusoro pezvese sezvo pasina kushambadza zvakakwana pazvinodiwa nezvinofanirwa kuitwa.

Asi sachigaro we Zimbabwe Elecoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti vari kuita basa ravo nemazvo.

1 Registration Gonese
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano rinoongorora nyaya dzesarudzo reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinoti ratumira vaongororori kumatunhu ose gumi uye harisi kufara nezvinhu zvakati wandei.

ZESN inoti vaongorori vakapuhwa mvumo neZEC kuti vaone zviri kuitika vari kutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF kuChipinge neMwenezi West.

ZESN inoti dzimwe nzvimbo dzange dzisina vanotoresa mhiko uye mimwe michina yange ichiramba kushanda.

Sangano iri rinoti kune dzimwe nzvimbo vanhu vange vachityisidzirwa kuti vanotorerwa minda kana vachitsigira vanopikisa.

Kunyange hazvo vanhu muHarare vari kunyoresa kuvhota vari vashoma kunze kwekuMt Pleasant, ZESN inoti kuUzumba vanhu vanyoresa vakawanda zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG