Accessibility links

Sangano reZPP Roshushikana neChirongwa Chiri Kunyoresa Vanhu


Jestina Mukoko

Sangano re Zimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti riri kushushikana zvikuru nehurongwa hwe Biometric Voter Registration, BVR, uhwo rinoti hauna kudzidziswa zvakakwana vanhu vanofanirwa kunyoresa.

Sangano iri rinoti rafamba munzvimbo dzakawanda rikaona zviri kuitika muchirongwa ichi.

Ratiwo vanhu vari kunetsekana kuwana magwaro ekunyoresa ma affidavit, zvikuru kumaruwa akaita se Mutoko, Chipinge, neChimanimani uko rinoti vanhu vari kuratidza kusaziva zvavanofanirwa kuuya nazvo kuti vanyorese kuvhota.

ZPP inotiwo sangano re Zimbabwe Electoral Commssion rinofanirwa kusimudzira dzidziso yevanhu, uye kujekesa mari inofanirwa kubhadharwa nevanhu kana vachida kusainirwa magwaro avo nemadzishe, kanawo vamwe vakuru mumatunhu avanogara.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti kunyange havo vachigutsikana nezvavaona muzuva rekutanga iri, pane zvavanoda kuti zvigadziriswe nekukurumidza zvinosanganisira kuti vanhu vasanzi vabvise mari kuti vaitirwe chii zvacho chine zvekuita nekunyoresa kuvhota.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG