Accessibility links

Breaking News

VOA Inobatana neNhepfenyuro yeZimpapers Television Network Kuita Hurukuro Pamusoro peSarudzo


Mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku
Mutungamiri webato reNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku

Terevhizheni yeZimbabwe Newspapers yeZimpapers Television Network nezuro manheru yakabatana nenhepfenyuro yeVoice of America pakutsikisa gakava revanhu vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika, rainzi “The Elected Debate”.

Vemapato anopikisa vakapinda mugakava iri vakabvumirana kuti bato riri kutonga reZanu PF rinofanira kukundwa musarudzo kuti Zimbabwe ifambire mberi.

Vakapinda muchirongwa ichi, icho chaikokerwa naShaka Ssali weVOA pamwechete naRuvheneko Parirenyatwa weZimpapers, mutungamiri webato reNCA Muzvinafundo Lovemore Madhuku, Doctor Nkosana Moyo veAlliance for the People’s Agenda, APA, VaTendai Biti, avo vainge vakamirira VaNelson Chamisa veMDC Alliance, pamwe naVaChris Mutsvangwa veZanu PF, avo vainge vakamirira VaEmmerson Mnangagwa.

Vatungamiriri vese vakapihwa mukana wekutaura hurongwa hwavo pamusoro peZimbabwe uye zvavachaita kana vachinge vakunda musarudzo.

Kunyange hazvo vemapato anopikisa vakati Zanu PF inofanira kubviswa pachigaro nekuti ndiyo yawondonga nyika, VaMutsvangwa vakati vanovimba kuti bato ravo richakunda uye vakavimbisawo kuti vachatambira zvinenge zvabuda musarudzo. VaMutsvangwa vakati vakafarawo chose nekudyidzana kweVOA neZimpapers.

VaBiti vakati havana chivimbo nezviri kuitwa neZEC kunyangwe hazvo vari kupinda musarudzo idzi. Vakati vanhu vemuZimbabwe vanokwanisa kuratidzira sezviri mubumbiro remutemo kana vasina kugutsikana nemabasa eZEC.

Asi vachitaura neStudio 7 pane chimwe chirongwa, komishina weZEC VaQubani Moyo vakati vari kuita zvose zvavanogona kuti vaite sarudzo dzakachena.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMaxwell Saungweme vaudza Studio 7 kuti zvakaitika zvakanaka chose uye zvinoratidza kuti VaMnangagwa vari kuratidza vanhu kuti hurumende yavo iri kushandura zvinhu.

VaMadhuku vanoti vakafara chose nekuwana mukana pachirongwa ichi asi vachiti vaizonyanyanya kufarisisa kana dai VaMnangagwa naVaChamisa vainge varipo ivo pauzima pagakava iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG