Accessibility links

Breaking News

VeZEC, Econet neZanu-PF Voendeswa Kumatare neNyaya dzeNharembozha


.

Rimwe gweta raendesa kumatare edzimhosva Zimbabwe Electoral Commission, Zec, Zanu PF pamwe nekambani yeEconet richivapomera mhosva yekushandisa nhamba dzaro dzenharembozha mukutsvagira Zanu PF rutsigiro pasina kuwirirana.

VaOmen Mafa vanoti Zec yakatyora kodzero dzavo nekupa nhamba dzenharembozha dzavo kuZanu PF vasina kuwirirana nazvo.

Gweta raVaMafa, VaDereck Charamba, vanoti vakwidza nyaya iyi kudare repamusoro nekuti zvakaitwa neZec neZanu PF, hazvisi pamutemo.

VaCharamba vanoti vanotarisira kuti dare riudze vakaita izvi kuti hazvisi pamutemo uye kuti vasape mapato kana masangano nhamba dzevanhu pasina kuwirirana.

VaMafa vanoti musi wa 7 Chikunguru vakatyamadzwa kuona tsambambozha ichibva ku Zanu PF nevanoimirira kuGutu West, VaJohn Paradza.

Vanoti tsamba mbozha iyi yaivakumbira kuti vavhotere mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, VaParadza pamwe nakanzura we Zanu PF, kunyange vasina kumbopa Zanu PF nhamba dzavo kunze kweZec.

Vanoti Econet iri kubatwa munyaya iyi sezvo iri iyo iri kufambisa mashaoko ari kubva kuZanu PF.

Kunyange tatadza kubata Zec kuti tinzwe kuti inoti kudii nekuendeswa kudare, sachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, vakaramba neMuvhuro kuti ndivo vakapa Zanu PF nhamba dzevanhu kuti itsvage rutsigiro, vachinakurira nyoka mhenyu kuEconet.

Econet yakarambawo mhosva iyi ikanyora gwaro kumapepanhau ichiti haina hukama neZanu PF zvekuti ingaipe nhamba dzenhare dzevanhu munyika.

Mapato anopikisa ari kupomera Zec mhosva yekuita izvi, achitiwo Zec iri kuanyima gwaro revavhoti rakakwana, asi ichipa Zanu PF chete.

Mubatanidzwa we MDC Alliance uri kunyunyutawo uchiti Zec haisi kuita basa rayo zviri pachena, kusanganisirawo nenyaya yekupa Zanu PF nhamba dzevanhu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi kuti yakawana seyi nhamba dzeveruzhinji.

VaCharamba vanoti vamirira kupihwa zuva richatongwa nyaya iyi mudare repamusoro muMasvingo vachiti nyaya iyi ndeye chimbi chimbi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG