Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF neMDC Alliance Dzokandirana Makobvu neMatate Apo Sarudzo Dzoswedera


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Bato rinopikisa reMDC Alliance rinoti zviri kuitwa neZanu PF zviri pachena kuti bato iri riri kuyedza kuripondera musagi sekiti kuitira kuti ritadze kukwikwidza musarudzo dza2023.

Bato iri rinoti izvi zviri kuitwa kuburikidza nekushandisa matare nemapurisa kusunga kana kudzinga nhengo dzaro mumakanzuru nemudare reparamende nekurega kuita sarudzo.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze uye hurumende yeAmerica nenyika dziri mugungano reEuropean Union anoti Zimbabwe yaputsa chirangano chayo chekuvandudza zvinhu kubva zvakamanikidzwa kusiya basa vaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe.

Asi Zanu-PF inoti iri kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya ichiti MDC Alliance ndiyo iri kuzvisikira moto muziso nekutadza kuwirirana kwevatsigiri vayo.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vaudza Studio 7 kuti Zanu-PF iri kutya kuti mutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, vakwikwidze musarudzo.

Asi nhengo yeZanu-PF yakakwikwidza musarudzo yemumiriri wedare reparamende kuWarren Park, VaGilbert Muponda, vanoti MDC inguruve iri kukangwa nemafuta ayo sezvo ichitadza yega kutevedzera bumbiro remitemo yayo.

Hurukuro naVaGilbert Muponda naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG