Accessibility links

Breaking News

VeUnicerf neEU Vopa Mapurisa Michina Inobatsira Kubata Mhondi neVanobata Chibharo


VeUNICEF neEuropean Union vapa mapurisa emuZimbabwe michina yechizvino zvino yekushandisa kuunganidza humbowo panyaya dzekubatwa chibharo nekuponda kana kuti DNA Analysis izvo zvichaita kuti nyaya idzi dzitongwe nekukurumidza.

Michina iyi inokosha zviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica (US$500 000) ichange ichishandiswa neZimbabwe Republic Police Forensic Science Laborartory kungoorora humbowo nekuhuendesa kuhosifi yemuchuchusi mukuru wehurumende, National Prosecuting Authority kuti hushandiswe mumatare kusungirira vanenge vapara mhosva.

Vachitambidzwa michina gurukota rinoona nezvemukati menyika VaKazembe Kazembe uye mukuru wemapurisa VaKazembe Kazembe, mukuru weUNICEF muZimbadwe, Dr Tajuedeen Oyawele, vakati michina iyi ichaita kuti mapurisa awunganidze nekuongorora humbowo munyaya dzechibharo nemhirizhonga yepabonde vachitiwo kushaikwa kwehumbowo hweDNA ndiko kwaaita kuti vanenge vapara mhosva idzi vasabatwe nemhosva nekuendeswaa kumajeri.

VaPatrick Lambrechts vaimirira European Union, vanoti sangano ravo rinofara chose kutsigira Zimbawe pasi pechirongwa ichi chiri kuitwa neUNICEF vachiti sangano ravo riri kushandisa mamiririyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica pachirongwa ichi mukati memakore mashanu anotevera.

Vanoti kunze kwemapurisa, vari kushandawo nemasangano akazvimirira pamwe nekuita zvimwe zvirongwa kuenzanisa mikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Mukuru wemapurisa VaMatanga vakati mapurisa ange arikutadza kuunganidza humbowo hwekuti vanenge vapara mhosva vaendeswe kujeri nekushaya michina yechizvino zvino nehunyanzvi hwekuita basa iri.

ZRP yaipa basa rekuongorora humbo kana kuti maDNA Analysis kumakambani akazvimirira ayo aitora nguva kuita basa iri analysis izvo zvaiita kuti nyaya dzinonoke kutongwa kumatare.


Asi zvichitevera michina yavakapihwa neUNICEF neEuropean, ZRP yavekukwanisa kuita ongororo dzeDNA Analysis yega izvo zvichaita kuti humbowo munyaya dzekuponda, kubatwa chibharo nedzimwe huunganidzwe nechimbi chimbi.


VaKazembe, vakabva vayambira matsotsi neavo vari kuronga kupara mhosva kuti mapurisa ave nemichina inoita kuti vakwanise kuwana humbowo vachishandisa michina iyi nekukasika izvi zvichaita kuti nyaya dzitongewe kumarate nekukasika.

Vanoti DNA ndeimwe nzira yekuunganidza humbowo zvakadzama uye ZRP inofanira kushandisa michina iyi zvine mwero mukupedza mhosva munyika nekuona kuti vanhu vagara murunyararo.
Mutungamiriri weLaw Society of Zimbabwe, VaWellington Magaya, vanoti zvakanaka chose kuti ZRP ive nemichina inokwanisa kuti itsvage humbowo hwekuti ndiani akapara mhosva.


Vanotiwo michina iyi yakanakirawo kana kuvasungwa nokuti humhizha hwechizvino zvino uhu hunovapurira kana vasina kupara mhosva.
VaMagaya vaenderera mberi vachiti chasara kudzidzisa vanoshandisa humbowo uhwu kuti hukwanisa kushandiswa zvakanaka mumatare.

UNICEF neEU dzinoti dzakatozvipira kudzidzisa vachuchusi nevamwe vanoshanda mumatare panyaya iyi.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemadzimai, Amai Chido Madiwa, vanoti vanotambitra nemufaro zvaikaitwa izvi.

Ongororo yakaitwa World Health Organisation muna 2014 yeGlobal Status Report on Violence Prevention inoratidza kuti mukadzi kana musikana mumwe chete pavatatu anoshungurudzwa kana kubatwa chibharo pahupenyu hwake.


MuZimbabwe ,National Baseline Study on the Life Experiences of Adolescents yakaitwa muna 2010 yakaratidza kuti zvikamu makumi mana nezvitatu kubva muzana zvevasikana vari pakati pemakore gumi nematatu negumi nemanomwe vakabatwa chibharo kana kumbunyikidzwa uye izvi zvakawedzera panguva ino yedenda raCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG