Accessibility links

Breaking News

VeStudio 7 neMedia Centre Voita Hurukuro muHarare


Vanhu vakapinda mumusangano wekuzeya mazuva zana hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa yapinda panyanga nemusi weChitatu vanoti kunyange hazvo paine zvimwe zvakanaka zviri kuitwa nehurumende iyi, inofanirawo kuterera zvinoda vanhu uye kushanda nemasangano evashandi kuti nyika ibudirire.

Asi bato guru rinopikisa reMDC rinoti hapana chakaitwa chine musoro mukati memazuva zana apfuura.

Vachitaura pamusangano uyu wainge wakaronga neStudio 7 neMedia Centre uchitsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe wakitirwa kuCrowne Plaza Hotel muHarare, mukuru wesangano reWomen in Politics Support Unit, Amai Sakhile Sifelani Ngoma, vakati mukati memazuva zana hurumende yaVaMnangagwa yakashandura mashandiro ehurumende.

Vakati semuenzaniso, hurumende iyi yave kuzivisawo zvinenge zvaitika mumusangano wedare remakurukota svondo rega rega uye izvi zvinhu zvakanaka chose.

Vakatiwo nyaya yekudoma makurukota matsva, nenyaya yekuedza kugadzirisa hukama nedzimwe nyika zvinhu zvakanaka zvakaitwa nehurumende mukati memazuva zana ekutanga.

Asi vanotiwo zvinhu zvisina kuvafadza kuwedzera mitero kwakaitwa nehurumende mukati memazuva awa izvo vati zvave kurwadza veruzhinji.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reLabour, Economic Development Research Institute of Zimbabwe VaClinton Musonza vakati hurumende yakatadza kushanda pamwe nemasangano evashandi nemabhizimisi mukati memazuva zana uye iyi inyaya yainofanira kugadzirisa kuti zvinhu zvigadzikane munyika.

Munyori mukuru muMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, Seneta Douglas Mwonzora, vakati hapana chakasandurwa nehurumende yaVaMnangagwa mukati memazuva zana ekutanga uye vanoona sekuti hurumende iyi iri kungoita zvaiitwa nrhurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vamwewo vakaita saVaForget Damisa, vakati pane zvakanaka zvakaitwa nehurumende zvakaita sekubvumidza Studio 7 kuita misangano nekupa vanhu nguva yekutaura pfungwa dzavo. VaDamisa vakatiwo hupfumi hwenyika haugone kusimukira kana nyaya dzematongerwo enyika dzisina kugadziriwa munyika.

Vamwewo vakapinda mumusangano uyu vanotiwo hapana chiri kufamba munyaya dzezvehupfumi nekuti vanhu vemuZimbabwe vanogara vachitaura nezvesarudzo.

Vakati zvakakosha kutiwo nyaya dzezvematongerwo enyika dzigadziriswe hupfumi hwenyika kukwanise kusimudzirwa.

Nhume yemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mnangwana, Retired Major Anywhere Mutambudzi, havana kupinda mumusangano uyu kunyange hazvo vainge vabvuma kuzomiririra hurumende.

Pavakasarudzwa, VaMnangagwa vakatuma makurukota awo kuti aiite hurongwa hwezvirongwa zvaanofanira kupimwa nazvo mukati memazuva zana ega ega.

Mamwe mapazi ehurumende haasati azivisa kune veruzhinji zvirongwa nemabasa aanoda kuita kune veruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG