Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashoma Zvikuru Vari Kubayiwa Nhomba kuMaruwa


Zimbabwe VP Arrives at Wilkins Hospital for Covid 19 Vaccine
Zimbabwe VP Arrives at Wilkins Hospital for Covid 19 Vaccine

Vamwe vashandi vezvehutano vanoshandira mumapazi ehurumende ekumaruwa vanoti havana kubayiwa nhomba nepamusana pekuti havana kupihwa ruzivo rwakakwana pamusoro penhomba yeSinopharm yavari kunzi vabayiwe.

Mumwe mukoti anoshandira kwaZvimba mudunhu reMashonaland West, Amai Nomatter Mapepa, vanoti dambudziko guru ravari kusangana naro kumaruwa nderekuti vashandi vakawanda vezvehutano mudunhu ravo havana kuziviswa kuti nhomba iyi inoshanda sei.

Amai Mapepa vanoti hurumende ingadai yakatanga kupa vashandi
vezvehutano ruzivo rwakakakwana kuitira kuti vagozodzidzisa veruzhinji, asi izvi hazvina kuitika.

Amai Mapepa vanoti hurumende inofanirwa kudzidzisa vanhu
kusanganisira vashandi vayo kuitira kuti nhomba igamuchirwe nevanhu vkawanda munyika.

Mumwe mushandi wezvehutano uye vari sachigaro wana mukoti mudunhu
reMashonaland West, VaKudakwashe Kokanai, vanotiwo hapana dzidziso yakaitwa pamusoro pemashandiro enhomba iyi, mashandisirwo ayo pamwe nezvainogona konzeresa kana munhu abayiwa..

VaKokanai avo vakave mumwe wevanhu vekutanga kubayiwa nhomba mudunhu reMashonaland West, vanoti vashandi vehurumende vachiri kutya kuzvipira kubayiwa nhomba iyi sezvo vasina dzidziso yavakawana.

Vakafanobata chigaro chemukuru wezvehutano mudunhu reMashonaland West, vanoti vanhu vari kutya kubayiwa nhomba nekutya zviri kubuda pamadandemutande izvo zvisiri zvechokwadi.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti panofanirwa kuitwa dzidziso yakasimba yekuti vashandi vezvehutano vave neruzivo rwakakwana pamusoro pemashandiro enhomba iyi.

Hurumende yakawedzera mazuva ekuti vashandi vanosangana nevanhu nguva dzose kana kuti frontline workers vabayiwe nhomba zvichitevera vanhu vashoma vakazvipira kubayiwa mumazuva gumi ekutanga ayo avaikurudzirwa kuti vabaiwe.

Munyika mose, vanhu mazana mashanu nemakumi mashanu nevanomwe vakabayiwa nhomba iyi nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba iyi munyika yose pavanhu zviuru makumi matatu nechimwe nemazana maviri nemakumi matatu nevashanu, 31 235.

Mudunhu reMashonaland West vanhu chiuru chimwe chete nemazana
mapfumbamwe nevapfumbamwe, 1 909 vabayiwa nhomba kunyange vanhu zviuru zvishanu nemazana matatu ane gumi nevatanhatu, 5 316 vaitarisirwa kunge vabayiwa mudunhu rose mumazuva gumi ekutanga kwechirongwa ichi.

Nzvimbo yeZvimba mudunhu reMashonaland West ndiyo ine vanhu vashoma mudunhu iri vanosvika zana nemakumi mana nevashanu, 145, vakabayiwa nhomba kunyange kwaitarisirwa kubayiwa vanhu chiuru chimwechete nemakumi mana nevatatu.

Munhu mumwe chete akafa nezuro nechirwere cheCovid-19, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pachiuru nemazana mana nemakumi masere nevana, 1 484.

Nezuro wakare, vanhu makumi maviri nevashanu vakabatwa nechirwere ichi, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose pazviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana maviri nemakumi mana nevasere, 36 248.

Vanhu vapora munyika yose vava zviuru makumi matatu nezvitatu, nemazana manomwe nemakumi mashanu nevapfumbamwe, 33 759, uye vachiri kurwara vava chiuru nevashanu, 1 005.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG