Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vowaniswa Mukana Wekuwona Mitambo Ye2010 World Cup NeHurumende


FIFA logo
FIFA logo

Gurokota rezvekushanyirwa kwenyika, vaWalter Mzembi, vanoti hurumende pamwe nemamwe makambani vachaparura nzvimbo mumaruva pamwe nemumadhorobha idzo dzichashandiswa neveruzhinji kuona mitambo yenhabvu ye 2010 World Cup.

Mitambo iyi iri kuitirwa muSouth Africa muna kutanga musi wa 11 Chikumi kusvika musi wa 11 Chikunguru.

Zvikwata makumi matatu nembiri zvichange zviri mumakwikwi aya achatambirwa mudzvimbo dzakasiyana siyana muSouth Africa.

VaMzembi vanoti chikwata chenhabvu chekuNorth Korea chichange chiri munyika pakupera kwaChivabvu kuti chikwanise kuita gadziriro yacho muZimbabwe chisati chaenda kuSouth African kunotamba mumakwikwi aya. Zimbabwe iri kutsvetsva dzimwe nyika dzakadai seBrazil kuti dziwuye kuno gadzirira dziri munyika kuitira kuti hupfumi hwenyika hurandudzwe uye veruzhinji vawanewo mukana wekuwona nyanzvi dzenhabvu idzi dzisati dzaenda kumakwikwi aya.

Vamzembi vanoti hurumende ichashandisa mamiriyoni maviri emadhora pachirongwa ichi.

XS
SM
MD
LG