Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa Vanobviswa neMapurisa muHarare


Zimbabwe Vendors
Zimbabwe Vendors

Mapurisa pamwe nevashandi vekanzuru yeHarare vadzinga zvechisimba vanhu vanotengesera mumigwagwa pakati peguta reHarare zvichitevera kurudziro yakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mukupera kwesvondo.

Mapurisa anga akapakatira zvombo pamwe nevashandi vekanzuru yeHarare vadzinga mumigwagwa avo vanorarama nekutengesa mumigwagwa zvaita kuti vatengesi ava vaswere vachiita hwekiti negonzo mukati padhorobha.

Mumwe wevanotengesera mumigwagwa, Amai Maidei Chimuka, vati pane vanotengesera mumigwagwa varohwa zvakaipisisa vakakuvara uye vamwe vavo vanonzi vasungwa.

VaMike Muvadi vati havadi kuenda kunotengesera zvinhu kunzvimbo dziri kunze kwedhorobha kwavari kunzi nekanzura vanoshandira.

VaGwinyai Gandanzara, avo vanotegesawo mbatya, vati kurudziro yakaitwa naVaMugabe pakupera kwesvondo yekuti vanotengesera mumigwagwa vabude mudhorobha inoratidza kuti VaMugabe havana hany’a nehupenyu hwevanhu.

Zvichakadai, nhengo yeboka reTajamuka, VaDenford Ngadziore, vati vachashanda zvakasimba nevanotengesera mumigwagwa kuti vasarambe vachishungurudzwa nemapurisa pamwe nevashandi vekanzuru.

Munyori muboka revechidiki reMDC-T, VaLovemore Chinoputsa, vati bongozozo raitwa nemapurisa iri inzira yehurumende yekukanganisa vanhu kunyoresa kwavari kuita sevavhoti pakati pedhorobha sezvo vachiti bato ravo rine vatsigiri vakawanda mumadhorobha mazhinji.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi.

Kanzuru yeHarare inoti vanotengesera mumigwagwa vanofanira kutengesera munzvimbo dzakatarwa dzavanenge vachibhadhara mitero kwete kuti vanhu vangomera kunge hohwa pakati pedhorobha.

1 vendors
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG