Accessibility links

Breaking News

"VeMushikashika" Vowedzera Mari Apo Mafuta eDzimotokari Oshaikwa Kune Dzimwe Nzvimbo


Vamwe vemichovha inotakura veruzhinji mumaguta vakakwidza mari dzekufambisa zvichitevera kushaikwa kuri kuitwa mafuta edzimotokari mune dzimwe nzvimbo dzemunyika.

Vakakwidza mari dzekufambisa ndevanotakura vanhu zvisiri pamutemo nemotokari dzinozivikanwa nekuti mishikashika. Hurumede yakarambidza motokari idzi kutakura ichiti vose vanoda kutakura vanhu vanofanira kunyoresa pasi pekambani yeZUPCO. Asi nekuda kwekuti ZUPCO ine mabhazi mashoma, vemushikashika vari kutakura havo vanhu asi vachinetsana nemapurisa mumigwagwa.

Vakawanda vakakwidza mari yekubva kunzvimbo dzinogara veruzhinji dzakaita seGadzema, Hunyani, Gunhill, Ruvimbo neChikonohono kubva pamadhora emunyika makumi manomwe kusvika pamadhora zana.

Mumwe anotakura vanhu kubva kuChikonohono kuenda muguta reChinhoyi

VaSimbarashe Jonga vanoti magaraji akawanda haana mafuta izvo zviri kuonekwa

nemitsara iri yemashoma ange aine mafuta ekufambisa dzimotokari izvo zvapa kuti vakwidze mari dzekutakura vanhu.

Asi VaJonga vavimbisa kuti mafuta edzimotokari akawanikwa zviri nyore vanodzikisa mari dzekufamba.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe mutyairi ati anoda kuzivikanwa nezita rekuti Boss Mugo anoti vakwidza mari dzekufambisa kuti vararamewo.

Mumwe mushandi wehurumende Muzvare Shamiso Maketa vanoti vashamisika vachinzi vabhadhare madhora zana emunyika nhasi mangwanani, vachiti mari yawedzerwa yakawanda.

Muzvare Maketa vanoti hurumende inofanirwa kuisa mabhazi eZupco akawanda kana kuti vamanikidze mota dzemushikashika kudzikisa mari dzekufamba asi vachiti zvinonetsa sezvo mota idzi dzinotakura vanhu zviri kunze kwemutemo.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vakazivisa padandemutande ravo reTwitter kuti pakaita kusafamba zvakanaka kwemafuta kuBeira, Mozambique nekuda kwemichina yekufambisa mafuta yaivandudzwa.

NeMuvhuro, bazi rinoona nezvekutengwa nekupinda kwemafuta edzimotokari munyika reZimbabwe Energy Regulatory Authority-ZERA- ka kuti nyika ine mafuta anoikwanira parizvino kusvika pazororo reKisimusi.

Asi ZERA inoti kufamba kwemafuta kwakakanganisika nekuda kwemichina yakamboparadzwa nedutumupengo reCyclone Idai.

ZERA yakavimbisa kuti mukupera kwezuva reMuvhuro neChipiri mafuta anenge azara zvakare nyika yose. Nyika inoshandisa marita anosvika mamiriyoni mana pazuva. Bazi rezvekutakurwa kwezvinhu razivisa nhasi mumashoko kuvatori venhau kuti mafuta anosvika marita makumi maviri nemasere apinda munyika kubva zvagadziriswa pombi yekuBeira uye mamwe marita mamiriyoni makumi matatu nemanomwe ari kutarisirwa kupinda munykka nemusi weChina.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG