Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa wemakereke ari pasi Zimbabwe Council of Churches nemusi weChishanu vakafora mumigwagwa yeHarare vachicherechedza zuva guru reAfrica Day vaine dingindira rakanangana nekukurudzira runyararo munyika iyo yatarisana nesarudzo gore rino.

Vemakereke ava vakafora kubva paTown House kuenda kuHarare Gardens vachikurudzira kuti nyika iite sarudzo dzakachena dziri kutarisirwa pakati paChikunguru naNyamavhuvhu.

Munyori mukuru we Zimbabwe Council of Churches Reverend Dr Kenneth Mtata vanoti vakakoka makereke akawanda mukufora uku.

Reverend Dr Mtata vanoti sarudzo dzemaprimary dzapfuura dzaiita mhirizhonga mubato reZanu-PF neMDC-T uye izvi hazvitarisirwe musarudzo.

Vaendera mberi vachiti Zimbabwe Council of Churches ine makereke anosvika makumi maviri nematanhatu ange akaungana pakufora kwanhasi.

Sachigaro wekomisheni inoona nezverunyararo yeNational Peace and Reconciliation Commission, Retired Justice Selo Maselo Nare, vakauyawo kuzotsigira hurongwa uhu vachikurudzira runyararo pakati pemapato ezvematongerwo enyika.

Amai Gamuchirai Muchairi Mandevhane sachigaro wemadzimai muGreater Harare varimu ZCC vatiwo madzimai nevechidiki ndivo vanonyanya kusangana nedambudziko rokushungurudzwa panguva yesarudzo.

Chirongwa chekufora nekukurudzira runyararo ichi ndechekutanga kurongwa nesangano reZimbabwe Council of Churches uye vanhu vakawanda vapinda mukufora uku.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG