Accessibility links

Breaking News

VeMajeri Votadza Kuita Mabasa Avo Zvakanaka neKushaya Mari


Zimbabwe Prisons and Correctional Services kana kuti ZPCS inoti pane zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumajeri kune dzimwe nyika zviri kutadza kuuya kuzopedzesa mutongo wazvo mumajeri emuno nekuda kwekuti hazvina magwaro ekuzvarwa kana kufambisa.

Izvi zvataurwa nemumwe mukuru muZPCS, Senior Assistant Commissioner, Spetosomusa Chinobva, vachipa humbowo kukomisheni inoona nezvekodzero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission pamusoro, pekuti kusavepo kwemagwaro aya kunokanganisa basa ravo sei.

Vati Zimbabwe ine chibvumirano nenyika dzakaita seZambia chekuti zvizvarwa zvemuno zviri mumajeri kuZambia zviuye kuzopedzisa mitongo yazvo muno, ukuwo zvizvarwa zvekuZambia zviri mumajeri emuno zvinopedzesera mitongo yazvo kuZambia.

Asi Amai Chinobva vati vari kutadza kuunza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuZambia nekuda kwekuti hapana humbowo kana magwaro anoratidza kuti vasungwa ava zvizvarwa zvemuno.

Vati ongororo yavakaita yakaratidza kuti zvakakosha kuti vasungwa vapike mitongo yavo vari munyika dzavo umo vanokwanisa kushanyirwa nehama dzavo.

Vatiwo pane vanhu vakawanda vanopinda mumajeri vasina magwaro ekuzvarwa kana zvitupa uye izvi zvinotadzisa vasungwa ava kunyora bvunzo vari mumajeri sezvo magwaro aya achidiwa.

Amai Chinobva vatiwo rimwe dambudziko ririko nderekuti vasungwa vanofira mumajeri vasina magwaro vanovigwa sembwa sezvo hamadzawo dzisingazivikanwe.

Zvichakadai Amai Chinobva vati vasungwa vari mumajeri vanobvumbidzwa pamutemo kupihwa mukana wekuti vanotoresa vana vavo magwaro ekuzvarwa kana kufambisa.

Zvichakadai komiti yeparamende inooa nezvemukati menyika yaudzawo komisheni iyi kuti yakaitawo ongororo yavo kudunhu reMatabeleland South uko zvakabuda pachena kuti vanhu vari kunetseka kuwana magwaro ekuzvarwa pamwe nekufambisa.

Sachigaro wekomiti iyi VaLevi Maihlome vati semaonero avo vanhu vese vasina magwaro aya zvikuru sei vakabatwa batwa neGukurahundi vanofanira kupihwa magwaro aya pasina mubvunzo kuti vakwanise kurarama sevamwewo vanhu.

Sachigaro weZimbabwe Human Rights Commission, Dr Elasto Mugwadi, vati zvataurwa nekomiti yeparamende izvi zvinoenderana nezvakabuda muongororo yavo uye vanoda kuti matambudziko aya agadziriswe pamwe nekuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG