Accessibility links

Breaking News

Rwudzi rweMakaradhi Rwunoti Hurumende Haisi Kurwuremekedza


Arcadia rally
Arcadia rally

Vanhu verudzi rwechikaradhi vari kunyunyuta kuti hurumende yeZimbabwe haisi kutevedzera bumbiro remitemo yenyika rinokomekedza kurekedzwa kwemarudzo ose ari munyika.

Vachitaura pamusangano wakarongwa nevagari vemumusha weWard 2 uyo wakaitirwa kuBraeside Shopping Center, Amai Irene Francis vanoti kunyange hazvo vari chizvarwa cheZimbabwe chakakwana, havaremekedzwe kana kuwaniswawo mikana sevamwe munyaya dzebudiriro.

Amai Francis vanoti kune makharadhi akarwa muhondo yerusununguko asi vazhinji vavo havana kuwana minda iyo iri kupihwa vamwe.

Vanotiwo zviri kunetsa kuti vechidiki vari makaradhi vawanewo mabasa zvichiwedzerwawo nenyaya yekuti makambani akawanda akavharwa.

Nekuda kwekushaya mabasa, vamwe vechidiki vave kunwa nekuputa zvinodhaka.

Amai Francis vanoti nyaya iyi yavarwadza nekuvachemedza kwenguva yakarebesesa zvokuti kuuya kwakamboita mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, munguva pfupi yapfuura kuzotaura nemakharadhi emumusha weArcadia, zvakaonekwa sokunge yaiva nzira yokutsvaga chete mavhoti kubva kumakharadhi.

Muzvare Rhoda Mandaza vanoti vamwe vechikaradhi vane zvitupa zvinoita sekunge vabvakure kana kuti alien izvo zvakatombopa kuti kuvhota mumakore akare kunetse.

Vanoti ivo havo havana dambudziko iri.

Musangano wekuBraeside wakarongwa nevagari vemuWard 2 kuti vasangane nevanhu vari kuda kuzovamiririra semakanzura nevamiriri vedunhu iri muparamende musarudzo dziri kuitwa neMuvhuro.

Muzvare Mandaza vanoti sevagari vaidawo humbowo hwekuti vanhu ava vaigara muWard 2 here kuti vanyatsomirira zvido zvavo.

Dunhu reWard 2 rinosanganisira nzvimbo dzinoti Braeside, Arcadia, Hillside, Eastlea North neSouth, Cranborne Park, Wilmington Park, St. Martins nechimwe chikamu cheHarare Central.

Muzvare Stella Arab, vekubato re Build Zimbabwe Alliance naEngineer Taona Mutungwazi vakazvimirira, ndivo vamwe vevanhu vana vakauya kuzotaura nevagari vemuWard 2.

Vamwe vaviri vanomirira bato reZanuPF havana kuuya kuzosangana nevagari ava.

Muzvare Linda Masarira veMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe ndemumwe wevanhu vasere vanoda kukwikwidza chigaro cheHarare Central chinobatanidzawo Ward 2 musarudzo yepararemende.

Muzvare Masarira vaivewo pamusangano uyu, vakataurawo zvavari kuda kuzoitira nzvimbo iyi kana vasarudzwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG