Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Votarisirwa Kupa Pfungwa Dzavo Mukunyorwa kweBumbiro Idzva


Vechidiki vazhinji vabva kumatunhu ose emunyika vaungana muHarare neChitatu kuzopa pfungwa dzavo kuti dziiswe mubumbiro idzva riri kunyorwa nehurumende. Chirongwa ichi chiri kutungamirwa nekomiti yeparamende ichitsigirwa nesangano reUnited Nations Children’s Fund, kana kuti Unicef.

Hurongwa hwevechidiki uhu hwapururwa paAfrica Unity Square murunyararo. Vachidiki ava vanotarisirwa kupa pfungwa dzavo dzezvavari kuda kuona dzichiiswa mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi, mumwe wemasachigaro eCopac, VaPaul Mangwana ve Zanu PF, vati zvakakosha kuti vana vose munyika vapiwe mukana wekutaurawo zvido zvavo. Vati vechidiki vanga vari vashoma pamisangano yavo ye Copac, vakati mukana uyu wavapiwa, wakakosha zvikuru.

Mukuru weUnicef muZimbabwe, VaPeter Salama, vatiwo zvakakosha kuti vechidiki ava vapewo pfungwa dzavo.

Mumwe wechidiki anga ari pamusangano uyu ati anonzi Rugare Neuso, uye achidzidza kuChomuya High School kuGokwe, atiwo ane chido chekuti hurumende ikoshese zvedzidzo yevechidiki.

Vachitaurawo panyaya yekumiswa kwemisangano muHarare, VaMangwana vati mhirizhonga yakaitika inoshoresa. Vati mapato ose ari kutonga munyika, ane chekuita nemhirizhonga iyi.

VaMangwana vati Copac ichadzokera kose kwakaita mhirizhonga kuzonzwa zvido zvevanhu zvekare. Asi vati vachatanga vaona kuti munzvimbo idzi mune runyararo.

Mushure mekuunganidza pfungwa dzavo vechidiki ava vanotarisirwa kupinda muparamende neChina kunotambidza zvido zvavo kudare iri. Vechidiki vanosvika mazana matatu vari muchirongwa ichi, uye vanosanganisira vanorarama neHIV/AIDS pamwe nevakaremara.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti nzvimbo dzakawanda dzakavhiringwa nemhirizhonga dzichadzokererwa zvakare chirongwa ichi. Nzvimbo idzi dzinosanganisira Manicaland, Masvingo, Matabeleland, Harare, Chitungwiza nedzimwe.

XS
SM
MD
LG