Vechidiki vari kuenda kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders (YALI) chegore rino vatanga kugadzirira rwendo rwavo mumasvondo maviri anotevera.
Vechidiki ava vachange vachiita zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvakanangana nebudiriro.
Mupepeti wenharu wevepanhau reHerald Roselyne Sachiti ndemumwe wevechidiki vanosvika makumi matatu (30) varikuenda kuAmerica.
Roselyne, uyo anonyora zvikuru nyaya dzakanangana nevanhukadzi nevana uye dzinoshora kushungurudzva kwemadzimai, achange aripa University of Virginia.
Roselyn anoti arikutarisira kudzidza zvakawanda pasi pechirongwa ichi uye anoti achashandisa ruzivo urwu kuvhura sangano rake richange richibatsira vanhukadzi nezvirongwa zvebudiriro.
Vechidiki vanosvika mazana mashanu vachauya kuchirongwa cheYALI ichi kubva kunyika dzemuAfrica dzakasiyana siyana.