Accessibility links

Breaking News

VaZuma Votumirazve Nhumwa Dzavo kuZimbabwe


Mutungamiri weSouth Africa, varizve mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, vari kutumira nhumwa dzavo kuZimbabwe neMuvhuro.

Izvi zvinoteverawo mashoko emapato maviri eMDC ekuti haasi kufara nemabatiro avari kuita basa ravo rekuyananisa gakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, uye munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanoti vaudzwa nezverwendo urwu nemumiriri weSouth Africa muZimbabwe, VaMlungisi Makhalima.

Vari kutarisirwa kuuya ndiMuzvare Lindiwe Zulu, VaMac Maharaj, uye VaCharles Nqakula. Nyaya dziri kutarisirwa kutsengwa inyaya yekuti poitwa riinhi musangano weSADC Troika panyaya yeZimbabwe, nyaya yehwaro hwesarudzo uye misiriridzwa yeGlobal Political Agreement.

Asi mashoko ari kubva kumuzinda weSADC ari kuratidza kuti musangano wetiroika uchakarosendekwa.

Munyori weSADC Executive, VaTomaz Salomao, vanoti vari mubishi rekugadzirira musangano weAfrican Union uyo uri kuitwa kuEthiopia kupera kwemwedzi.

Vati kana vatungamiri veSADC vachisangana, pada vachasangana kumucheto kwemusangano uyu votaura nezveZimbabwe. Nekuda kwekunonoka kwezvinhu uku, mapato maviri eMDC audza bepanhau reZimbabwe Independent kuti afuratidzwa moyo nekubata basa kwaVaZuma.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti VaZuma neSADC ndivo chete pari zvino vangakwanise kugadzirisa dambudziko reZimbabwe.

XS
SM
MD
LG