Accessibility links

Breaking News

VaZuma Vanoti Vakuru veSADC Ngavadome Dzimwe Nyanzvi Dzinovabatsira neChimbi Chimbi


South Africa's President Jacob Zuma addresses the media at the European Council building in Brussels, Tuesday, Sept. 28, 2010. (AP Photo/Yves Logghe)

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakurudzira kuti vatungamiri veZambia neMozambique vari muchikwata cheSADC Troika, vadome vanhu vane chiremera vachashanda nevayananisi vavo mukugadzirisa gakava riri muZimbabwe iro roramba richikura.

SADC yakapa kurudziro yekuti nyika nhatu dziri muSADC Troika dzidome vanhu vatatu vanofanirwa kushanda nenhumwa dzaVaZuma.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vati VaZuma vari kuda vanhu vane ruzivo rwakadzama panyaya yeZimbabwe uye vanonyarikana.

Vati VaZuma vakatonyora tsamba kuvatungamiri ava vachitaura kuti vanoda vanhu vakaita sei uye vati vanoda kuti izvi zviitwe nechimbichimbi.

Nyika dziri muSadc Troika, iZambia, South Africa neMozambique. VaDewa Mavhinga avo vanoshana saRegional Cordinator wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhebe kweAfrica vanoti zviri kuitwa naVaZuma ndizvo chaizvo zviri kudiwa neSADC.

Zvichakadaro, vamwe muZanu-PF vachitungamirwa nevaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vanoti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, negurukota muhofisi mavo, VaJameson Timba, vanofanirwa kusungwa nekuderedzera hunhu hwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMoyo vanoti VaTsvangirai naVaTimba vari kufamba vachiti VaMugabe vari kureva nhema pakutaura zvakabuda kumusangano weSADC kuKohannesburg. Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mashoko aVaMoyo nevamwe vavo haana nematuro ose.

XS
SM
MD
LG