Accessibility links

Breaking News

VaZuma naVaTsvangirai Vopesana paNyaya yeSarudzo.


VaZuma vanoti sarudzo dziitwe gore rinouya, asi VaTsvangirai vanoti izvi zviri kuvatungamiri vemapato matatu ari muZimbabwe.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vave kupesana pfungwa nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, panyaya yesarudzo.

Mutauriri waVaZuma, VaVincent Mangwenya, vanoti VaZuma vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rinouya kana zvose zvinoda kuti zviitwe zvichinge zvapera. Asi VaTsvangirai vanoti zviri kuvatungamiri vatatu vari muhurumende kuti vataure pachaitwa sarudzo.

VaMugabe vanotiwo sarudzo dziri kuitwa gore rinouya, ukuwo mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vanoti sarudzo ngadziitwe kwapera makore mashanu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinonetsa kuita sarudzo gore rinouya nekuti zvakawanda hazvisati zvaiitwa.

Nhaurirano dzekugadzirisa zvimwe zvasara dzange dzichitarisirwa kutanga neChitatu.VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vanoti VaTsvangirai naVaZuma havasi kunyanyopesana sezvo vose vari kuda kuti zvose zviri muGPA zvitange zvaiitwa.

XS
SM
MD
LG