Mutungamiriri weUganda, Va Yoweri Museveni, vakasangana nezuro nemauto makumi maviri nemanomwe ekuZimbabwe, ayo ari kushanya munyika iyi.
Mauto aya ari muhurongwa hwekudzidza mashandiro anoita mauto emu Uganda mukuchengetedza myika yawo, kuitira kuti agoshandisa ruzivo urwu kana adzokera kumusha.
Vachitaura nemauto aya vari pamuzinda wavo muEntebbe, Va Museveni vakati Africa inofanirwa kupangana mazano mumagariro ayo, kuitira kuti ikwanise kuzvidzivirira. Mauto eku Zimbabwe ari kutarisirwa kupinda munzvimbo dzakasiyana siyana vachiita zvidzidzo zviri kutungamirirwa nemauto ekuUganda.
Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inodzidzisa pa Amherst College ku Massachussetts, America, Doctor Chipo Dendere, vanoti zvinogona kuva zvakakoshera kuhurumende kuti iwanewo ruzivo kubva kumauto emuUganda.
Doctor Dendere vanoti pane kufanana pakati pemapindiro muhurumende akaita VaMuseveni naVa Emerson Mnangagwa zvinopa kuti Va Mnagagwa vawanewo paine chikonzero chekuda kudzidzawo kubva ku Uganda kuti vagonewo kugara nguva yakareba vachishanda nevechiuto muhurumende yavo.
Vatiwo Zimbabwe inogona kudzidza kubva kune dzimwe nyika asi Uganda iri pedyo nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Facebook Forum