Accessibility links

Breaking News

VaWebster Shamu Vorambidzwa Kukwikwidza muSarudzo Vakamirira Zanu-PF


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Zvinhu mubato reZanu-PF hazvina kumira zvakanaka kuChegutu East, Mashonaland West pakuti ndiyani ari kukwikwidza akamirira bato pakati pavaWebster Shamu naVaVengai Musengi.

VaShamu vaimbove gurukota rezvematunhu mudunhu reMashonaland West vasati vadzingwa basa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pasina zvikonzero zvakapihwa.

Mangwana ndiro zuva rekupedzisira kuti vanhu vari kuda kukwikwidza musarudzo vanyorese mazita kuZEC.

Mapepa aburitswa neZanu-PF evanhu vanofanira kunoyoresa kuti vakwikwidze ane zita raVaShamu asi pavazoenda kuti vanonyoresa zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

VaShamu vakaenda kumahofisi ebato ravo muChinhoyi asi vakataurirwa nevashandi vepamahofisi kuti magwaro avo haasi kusainwa nebato.

Mutevedzeri wasachigaro wedunhu reMashonaland West, VaDexter Nduna vakabvuma kuti vasaina magwaro aVaVengai Musengi kuti vakwikwidze vakamirira Zanu PF kuChegutu East.

VaShamu vakakunda VaMusengi musarudzo dzainge dziine mhirizhonga yakawanda zvekuti sarudzo idzi dzakadzokororwa kaviri vaShamu vachingokunda.

VaMusengi vabvuma kuti mapepa avo asainwa kuti vamirire Chegutu East sezvo zvakabuda pachena kuti vaShamu vaibirira sarudzo.

Asi VaShamu vakaramba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vakuru vedunhu ndivo vanofanirwa kutaura.

Zvichakadaro, Imwe nhengo yakarambidzwa kukwikwidza mumaprimary ebato reMDC-T muwadhi 5 VaMutema Benjamin Mutongodzwa vanoti vaisa mapepa avo ekukwikwidza vakazvimirira.

VaMutongodzwi vanoti vari kukwikwidza vakazvimirira nekuti vanhu vakanyimwa mukana wekutsvaka mumiriri wavanoda sezvo kusina kuitwa sarudzo dzemaprimary.

Dzimwe nhengo dzemakanzura nedzeparamende dzinoti dzakakundwa zvechitsotsi mumapato eZanu PF neMDC-T dzinoti dzichapinda musarudzo dzakazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG