Accessibility links

Breaking News

Magonyeti Maviri Anopiswa muSouth Africa Zvichitevera Kunetsana kweVatyairi veMunyika neVekunze


Xenophobia South Africa

Magonyeti maviri apiswa kuSouth Africa zvichitevera gakava riripo pakati pevatyairi vemunyika iyi nevatyairi vekune dzimwe nyika vari kugara nekushanda muSouth Africa.

Mumhirizhonga inonzi inotyisa, vatyairi vemagonyeti muSouth Africa vavharidzira motokari dzinotyairwa nezvizvarwa zvekuZimbabwe vachiti vanhu ava vari kuvatorera mabasa avo.

Vanhu ava vavhara mugwagwa pa Van Reenen Pass, mumugwagwa we N2 unova mumwe wemigwagwa mikuru mu South Africa.

Zvimwe zvizvarwa zvekuZimbabwe zvawirwa nedambudziko iri zvinoti pavari hapana zvitoro, kana zvimbuzi, izvo zvavasiya vari panguva yakaoma.

Vatyairi vemu South Africa vanoti vatyairi vese vekune dzimwe nyika ngavadzoserwe kunyika dzavo sezvo vari kuvatorera mabasa avo.

Vatyairi ava vanonzi vanga vachipika kuti havasi kubva panzvimbo iyi kudzamara hurumende yaVaCyril Ramaphosa, yazivisa kuti vatyairi vekune dzimwe nyika vachabuda riini munyika iyi.

Mumwe wevatyairi vavharirwawo pa Van Reenen Pass, VaEdgar Sigauke, vaudza Studio7 kuti vaswera vakangogara padondo apa vasina chavangaite kubatsirika nekuti nzvimbo yacho inonetsa kusvika, kana mapurisa auya angomira mira zvishoma ndokuvasiya vakadaro

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vagona kusvika pedyo vanonzi vapinda mumusangano wevatyairi ava vakavavimbisa kuti havazoita zvekurwisana navo asi vanoda kuti gurukota rezvekufamba muSouth Africa riuye rizovaudza kuti zvizvarwa zvekunze, kunyanya zvekuZimbabwe, zvichadzoserwa riini kumusha kwazvo, izvo zvisina kuitika kusvika mukuvira kwezuva.

Mukuru wesangano re International Cross-Border Traders Association, Va Denis Juru, vati vatyairi vazhinji ndeve kuZimbabwe uye panze pekutyira kupererwa nemabasa, vari kutyirawo hupenyu hwevanhu.

VaJuru vati pakamboitika dambudziko rakadai makore apfuura, vanhu vakawanda vakarasikirwa nehupenyu hwavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi, kanawo kunzwa kuti hurumende yemuSouth Africa ichafambisa seyi nyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG