Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veSadc Vozeya Nyaya yeZimbabwe


Vatungamiri venyika dziri mu Sadc,, avo vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasangana neChina kuMozambuque vakazeya nyaya yeZimbabwe.

Sachigaro veSadc Troika, uye vari mutungamiri weMozambique, Va Amarndo Guebuza, vanonzi vakazivisa vatungamiri ava pamire hurukuro pakati peZanu PF neMDC.

Musangano weSadc uyu wakazeyawo nyaya yeMadagascar uye wakaitwa mushure mekugadzwa kwaVa Guebuza kuti vave mutungamiri wenyika yavo zviri pamutemo.

Asi MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti haina kusumwa nezvemusangano wekuzeya gakava riri pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. Mutauriri webato iri, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo harina zvarakaudzwa nezvemusangano uyu.

Vaviri ava vari kunetsana pamusoro penyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, pamwe nekugadzwa zvakare kwemuchuchisi mukuru, VaJohannes Tomana, uko kwakaitwa naVaMugabe vasina kugara pasi nevamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Dzimwe nyaya dziri kunetsa dzinosanganisira kuramba kwaVaMugabe kugadza mubato wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima, kusagadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, pamwe nekungosungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC.

Hurukuro pakati peZanu PF neMDC dziri kutarisirwa kutanga zvakare nemusi weMugovera.

XS
SM
MD
LG