Accessibility links

Breaking News

Vakuru veMaguta neMatunhu Vodzekera Kumusha Vaine Ruzivo


Vanhu vasere vemuZimbabwe vanotungamira mabasa ematunhu nemaguta vange vari muAmerica pasi pechirongwa chebazi rezvekudyidzana kwe America nedzimwe nyika, vapedza chirongwa chavo chemazuva gumi muAmerica.

Pasi pechirongwa ichi, vanhu ava vange vachishanyira matunhu nemaguta vachiona mafambisirwo anoitwa mabasa munzvimbo idzi kuitira kuti vatsvage nzira dzinogona kubatsira nyika kana vadzokera kumusha.

Vashanyi ava vakashanyira maguta emuAmerica anoti Washington DC, Baltimore, St Louis, ne Chicago, uko vakaita misangano nevamwe vavo vanoshanda mumabasa ematunhu nemaguta munzvimbo idzi.

Kana vachinge vadzokera kumusha, vakuru ava vachange vachishanda nemamwe maguta avakashanyira muzvirongwa zvakasiyana siyana.

Mutungamiri wechikwata ichi, Va Nimrod Chiminya, avo vanove sachigaro we Zimbabwe Local Government Associations, vaudza Studio7 kuti vari kufara nemafambiro akaita rwendo rwavo sezvo vakawana mukana wekudzidza zvakawanda izvo vachanopakurira vari kumusha.

Vamwe vari muchikwata ichi vanosanganisira meya weguta reBulawayo, Va Thaba Patrick Moyo, meya weMasvingo, VaFemias Chakabuda, mutevedzeri wameya weHarare, Va Emmanuel Chiroto, munyori weguta reHarare, VaTendai Mahachi, munyori wedhorobha re Redcliff, amai Elizabeth Mbwana, mumiriri we Plumtree, Muzvare Nothando Msimanga, pamwe nemunyori musangano re Zimbabwe Local Government Association, Va Rodgers Mozhenty.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG