Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veHurumende Voparura Chirongwa cheBumbiro Idzva reMitemo


Vatungamiri vehurumende yemubatinidzwa vaparura neChitatu chirongwa chekutsvaga pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika vachiti chirongwa ichi chinofanirwa kuitwa murunyararo.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vati vanhu havafanirwe kumanikidza vamwe kuita zvavasingadi muchirongwa ichi.

Vachitaurawo pakuparurwa kwechirongwa ichi, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vatiwo mapurisa anofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu nekusavarambidza kuungana vachiita basa rekunyorwa kwebumbiro idzva. Vati hurumende yakawirirana kuti veruzhinji havafanirwe kurambidzwa nemapurisa kuungana vachinzwa pfungwa dzevanhu. Vati chinodiwa chete kuzivisa mapurisa panenge pachiungana vanhu.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Va Alec Muchadahama, vanoti kunyange hazvo vamwe vakuru vakurudzira kuti pave nerunyararo, kune vamwe vanotaura masikati zvinhu zvakanaka, asi kana hwava husiku, voita zvinhu zvakaipa.

XS
SM
MD
LG