Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vosangana naVaKikwete


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vari kutarisirwa kuita musangano nemutungamiri weTanzania, VaJakaya Kikwete.

VaTsvangirai, avo vari murwendo rwekusangana nevatungamiri venyika dzemuSADC, vakasangana nemutungamiri weNamibia, VaHifukupunye Pohamba neMuvhuro.

VaTsvangirai vakashanyira kare vatungamiri venyika dzinoti Zambia, Mozambique, Swaziland, South Africa, Namibia neBotswana, vachivaudza mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe, zvikuru muhurumende yemubatanidzwa umo vanoti nhengo dzavo dziri kusungwa nekushungurudzwa neZanu-PF.

VaTsvangirai vange vachitarisirwa kuita musangano eChipirii nemutungamiri weDemocratic Republic of Congo, VaJoseph Kabila, asi vazorega vouya kuzovhotera mutauriri wedare reparamende neChipiri. Mutungamiri wehurumende akapedza musangano naVaKikwete ari kubva ananga kuZambia kumusangano weSADC Troika.

VaTrevor Maisiri Executive Director veAfrica Reform Institute vanoti SADC ikada kusarova imbwa yakaviga mupini inogona kugadzirisa dambudziko reZimbabwe.

XS
SM
MD
LG