Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hurumende yeMubatanidzwa Haisi Kushanda Zvakanaka


Mutungamiriri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende yemubatanidzwa haisi kunyatsoshanda zvakanaka nekuti zvizhinji zvakatenderanwa muchibvumirano cheGlobal Political Agreement hazvisati zvaitwa uye pane mamwe makurukota asiri kuteerera zvaanoudzwa nevatungamiriri vehurumende.

Mumashoko avo ekupera kwegore avakatura muparamende neChina, VaTsvangirai sechave chigariro musoro weshuro kushaya nyanga vakagunun’una nezvekusafamba zvakanaka kuri kuita hurumende yemubatanidza.

Mutungamiri wehurumende akachema nerokuti mitemo yakakosha yakaita seinoona nezvesarudzo, matongerwo enyika nekutorwa kwenhau haisati yagadziriswa nehurumende yemubatanidzwa.

Vanotiwo mabhiri mashoma zvikuru aunzwa kudare. Vatiwo pamakomisheni ese akaumbwa nehurumende hapana iri kunyatsoshanda nemazvo nekuti haasi kupihwa mari inokwana kuti aite basa nemazvo.

Vati makomisheni ese ari mana akapihwa US$5 million mubhajeti yegore rinouya asi iwo aaida US$30 million.

VaTsvangirai vashorawo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, nekuomesa musoro vachiramba kuteerera nekuita zvavanoudzwa nevatungamiriri vehurumende yemubatanidzwa kuti vaumbe mabhodhi matsva eBroadcasting Authority of Zimbabwe, Zimbabwe Broadcasting Corporation neZimbabwe Mass Media Trust kubva kuvanhu vanenge vadomwa nemapato matatu ari muhurumende.

VaTsvangirai vati chakakosha gore rinoouya kuona kuti munyika mave nerunyararo uye kuti hupenyu hwevanhu hwasimudzirwa.

Vatiwo kunyange hazvo mihoro yevashandi vehurumende isina kuwedzerwa mubhajeti regore rinouuya vano vimba kuti mari ichawanikwa mukutengeswa kwemangoda ekwaMarange ichaita kuti vashandi vawane chouviri.

Mutungamiri wehurumende aenderera mberi achiti nyaya yekunyorwa kwebumiro remutemo iri kukanganiswa nekushaikwa kwemari pamwe nenyaya dzezvematongerwo enyika. Asi vakati vanovimba kuti vachapedza hurongwa uhu.

VaTsvangirai vatiwo hapana sarudzo dzichaitwa nechimbimbi munyika musati mave nerunyararo. Izvi vange vachipindura mashoko aVaMugabe neZanu-PF ekuti sarudzo dziitwe gore rinouya.

VaTsvangirai vazivisawo hurumende iri kushanda nesimba kuti vanhu vasafe nenzara vakati hurumende yakatotora matanho ekuti chibage chiendeswe kunzvimbo dzine nzara kubva kune idzo dzine chibage chakawanda.

XS
SM
MD
LG