Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Idzva Konetsa Pakati paVaTsvangirai neNCA

Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChitatu nesangano riri kurwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika rinobva muvanhu, reNCA, kuti vaedze kugadzirisa kusawirirana kwavo pamusoro pemanyorerwo ebumbiro idzva iri.

Zvinonzi VaTsvangairai ndivo vadaidzira musangano uyu, uyo waitirwa kumahofisi avo epaHaverst House muHarare. Asi zvinonzi hapana chawiriranwa, sezvo NCA yaramba yakatsika madziro ichiti haitsigiri hurongwa uhu.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vati havakwanisi kutaura nezvemusangano uyu, sezvo vanga vasati vasumwa kuti wafamba seyi.

NCA iri kuramba kuti hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva hutungamirirwe nehurumende, ichiti hunofanirwa kutungamirwa nevanhu, uye iri kukurudzira veruzhinji kuti varambe hurongwa uhu.

Ukuwo MDC iri kuti kumadzisahwira ayo ngatibatanei muhurongwa uhu tiite muonera pamwe chuma chemuzukuru.

National Director weNCA, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio7 kuti hukama hwavo neMDC ndehwekubudirana pachena.

This item is part of
XS
SM
MD
LG