Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZimbabwe Warriors Vogunun'una neKubuda muAFCON


Vatsigiri venhabvu munyika vanoti havachazive pfumo rovobaya mushure mekubuditswa mumakwikwi eAfrican Cup of Nations kuEgypt nezuro

Vamwe vanoti kukundikana kutungamira kweZIFa, vamwe vavhiti vatambi pamwe nevarairidzi vavo. Zvinonzika pose pafa munhu hapashaike muroyi.

MaWarriors akadamburwa 4-0 neDemocratic Republic of Congo ndokubuda mumakwikwi e 2019 Africa Cup of Nations munharaunda yekutanga. Asi vakawanda vanoti havaitarisira kuti chikwata ichi chaizorakashwa zvakadai. Zimbabwe haisati yakundwa zvakadai mumakwikwi aya.

Asi chirikuvanetsa ndechekuti kutadza here kwemaWarriors kana kuti hutungamiri hweveZifa ndiwo hwakakangaisa matambiro evatambi nenyaya yekusavapa mari yavaive vavimbiswa kuti vachatambidzwa makundano aya asati atanga.

Mutsigiri weHighlanders VaSimbai Mahachi vanoti varikushaya kuti chii chaizvo chakaitika.

Mumwe mutsigiri wemaWarriors VaPhillip Regede vanoti kukundikana kwechikwata ichi hakuneyi nevatambi asi kuti veZifa vakatadza kusimudza chido chevatambi nekusavapa mari yavo yemuhoro.

Vamwewo ndivo vave kutoti aimbove mutungamiri wesangano rinotungamirra nhabvu iri VaPhilip Chiyangwa vaive nani kudarika hutungamiri huripo parizvino, uyo urikutungamirwa naVaFelton Kamambo.

Mumwe mutsigiri wemutambo wenhabvu VaNyasha Munyaradzi vanotenderanawo naVaRegede vachiti kusamira zvakanaka kwehupfumi kwave kukanganisa nyaya dzezvehupfumi.

Asi mutsigiri weDynamos VaTapiwa Chiganze vanoti nyaya dzemari ndedzimwewo vachiti iivo kana vatambi vaenda kumaAfcon inguva yavo yekuzvitengesa kwete kuchemera mari.

VaChiganze vanoti panguva inotevera, Zimbabwe inofanira kushandisa vatambi vechidiki vane shungu dzekubudiira muhupenya hwavo munhabvu.

Mumwe muteveri wechikwata ichi VaEugene Kuhuni vanoti nguva yemurairidzi wemaWarriors Sunday Chidzambwa yakwana vachitapawo wavanofungira kuti ndiye angatore chikwata ichi.

VaSibanda vanobvumiranawo naVaKuhuni vachiti ivo Chidzambwa anofanira kusiiswa basa.

Aka kave keechitatu Zimbabwe ichitadza kubudirira kussvika munharaunda yechipiri zvichitevera kutatarika kwavakaita muna 2004, 2006, na 2017.

Asi vateveri venhabvu munyika vave kutarisira kuti muna 2021 Zimbabwe ichaitawo zviri nani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG