Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu-PF Vovhiringidza Hurongwa hweKunyorwa kweBumbiro Idzva reMitemo


Paramende iri kuenederera mberi nekudzidzisa vanhu vachanotaura nevanhu nezvebumbiro remitemo.

Komiti yeparamende iri kutungamira basa rekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika iri kukurudzira vanhu vachapinda muvanhu vachinzwa pfungwa dzavo kuti vasaise zvematongerwo enyika muhurongwa uhu apo vanenge vachiita basa ravo.

Kunyange hazvo kurudziro iyi iri kuitwa, pane mashoko ekuti bato reZanu-PF rakatotanga kare kutyisidzira vatsigiri veMDC kuUzumba richti vanofanirwa kutsigira gwaro reKariba Draft Constitution.

Zvinonzi kune dzimwe nzvimbo dzenyika kuri kubuda mashoko ekuti vatsigiri veZanu-PF vari kuronga kuvhiringidza hurongwa uhu vachiti vanoda kunzwa nyaya yembeu uye kuti zvirango zvabviswa, kwete zvehurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Ukuwo Ishe Fortune Charumbira veZanu PF vanoti masangano akazvimirira anofanirwa kungwarirwa sezvo achigona kuguma aisa zvido zvawo pamberi pezvido zvevanhu.

Asi gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti vari kutarisira kuti zvinhu zvose zvikafamba zvakanaka, vanogona kuita referendamu muna Gumiguru.

Changa chiri chipata pata neMuvhuro muHarare apo komiti yeparamende yanga ichidzidzisa vanhu vanodarika mazana matanhatu, avo vachange vachibatsira mukutorwa kwepfungwa dzavanhu kuti dzinge dziri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG