Accessibility links

Breaking News

South Africa Inokundwa neUruguay 3-0


South Africa yakundwa neUruguay 3-0 mumutambo weGroup A watambwa neChitatu manheru. Bafana Bafana yakaita mangange neMexico 1-1 pakatanga mitambo ye 2010 FIFA World Cup nemusi weChishanu.

Chikwata cheBafana Bafana chasarirwa nemutambo mumwe chete neFrance kuti chipedze mitambo yacho yemu Group A.

Zvikwata zviviri zvichapedza mitambo zviri pamusoro pemakwikwi emu Group A ndizvo zvichaenderera muchikamu chechipiri chemakundano ezvikwata gumi nezvitanhatu.

Uruguay, iyo iri kutungamira nezvibodzwa zvina, yakaita mangange neFrance 0-0. South Africa inofanirwa kutamba zvakasimba, uye yonwisa zvibodzwa zvakawanda kuitira kuti iite mukana wekuenda kuchikamu chechipiri chemitambo iyi.

Izvi zvinoreva kuti mutambo weMexico neFrance unofanirwa kuita mangange pasina zvibodzwa zvaniswa, kuitira kuti mukana weSouth Africa unyatsovepo.

Mumimwe mitambo yatambwa neChitatu, Ivory Coast yaita mangange nePortugal 0-0. Brazil yakunda North Korea 2-1. Ukuwo Switzerland yakunda Spain 1-0

Mune imwewo nyaya, vatsigiri venhabvu vazhinji vari muSouth Africa vanoti vari kuonera mitambo iyi mudzimba dzavo sezvo matikiti ekupinda mumitambo yeWorld Cup ari kudhura zvikuru.

Matikiti aya anonzi ari kuta mutengo unodarika 150 rands kumbombera mari iri kuonekwa nevazhinji seyakawandisa.

Mumwe mutsigiri wenhabvu ari muSouth Africa, VaMalvin Moyo, vanoti kunyange hazvo vari kuwonera mitambo iyi kumba vari kufadzwa nemafambisirwo ari kuitwa makwikwi aya.

XS
SM
MD
LG