Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri vaVaKunonga Vorambidza Kuvigwa kweNhengo ye Anglican Church


Kunetsana kwemapoka maviri muDiocese ye Anglican Church muHarare kuri kuenderera mberi izvo zvakatadzisa nhengo huru imwe yechechi iyi, Va Edward Rinashe, kuti vavigwe kumakuva ekuSt Mary’s kuChitungwiza, uko kunovigwa nhengo dze Anglican kana dzichinge dzashaya.

VaRinashe vakashandira chitendero che Anglican hupenyu hwavo hwese, asi kubva zvavaramba kutungamirwa nevaimbova Bishop vechechi iyi, Va Nolbert Kunonga, vakabva varambidzwa kuvigwa pamakuva aya nevatsigiri vaVaKunonga.

Vanhu vari pasi paVa Kunonga vakasvika kumakuva VaRinashe vava kuvigwa vakatadzisa kuti hurongwa uhu huenderere mberi zvekuti mutumbi waVaRinashe wakadzoserwa kudzimba dzinochengeterwa vafi muHarare.

Va Mike Chingore ndivo gweta reChurch of Province of Central Africa inotungamirirwa naVa Chad Gandiya.

VaChingore vanoti zvakaitika neSvondo hazvivashamisi nekuti VaKunonga vari kuenderera mberi nekumbunyikidza nhengo dzavo.

Ukuwo mutauriri waVaKunonga, Bishop Alfred Munyanyi, vanoti vacharamba vachirambidza vanhu vari kuramba kutungamirirwa naVa Kunonga kuti vasavigwa kana kushandisa dzimba dzavakavaka dzechitendero.

XS
SM
MD
LG