Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vatura mashoko kunyika yavo kumuzinda wavo weWhite House muWashington DC vachiti vamwe vapoteri vave kukanganisa magariro evanhu nekuponda uye kutengesa zvinodhaka.
VaTrump vanoti nekuda kwemabasa akaipa aya vave kuda kuti pavakwe mudhuri kumuganhu weAmerica neMexico.
Mexico iri kuchamhembe kweAmerica uye kunopinda vanhu vanenge vachibva kunyika dzakaita se El Salvado, Hondurus nedzimwe kuzopotera.
Asi vebato rinopikisa remaDemocrats vanoti aya haasi mashoko echokwadi. Kunetsana kwaVaTrump nemaRepublicans kwapa kuti hurumende yeAmerica ivhare mamwe mapazi sezvo bhajeti risati ratambirwa naVaTrump.
VaTrump vanoti vari kuda mari inosvika mabhiriyoni mabhiriyoni mashanu kuti vavake mudhuri uyu vachiti izvi zvikasaitwa havasi kuzoisa runyoro rwavo pabhajeti. Izvi zzvapa kuti mamwe mapazi ehurumende arambe akavharwa.
Vashandi vehurumende vanosvika zviuru zvisere vari kungoenda kumabasa asi vasingatambiriswe mari. VaTrump vati kunetsana uku kuri kukonzerwa nevebato remaDemocrats
VaTrump vati vanhu vemuAmerica vari kufa nenyaya yevanhu vari kungopinda munyika mavo zvisina mvumo vaine zvinodhaka.
VaTrump vatiwo vana vadiki nemadzimai vanenge vachida kuzotsvaga hupoteri muAmerica vari kutyorerwa kodzero dzavo. Vatiwo vamwe vari kupinda munyika yeAmerica zvisiri pamutemo vari kuponda nekubata chibharo.
Mutungamiri wenyika yeAmerica vatiwo mangwana vanenge vachisangana nevedare reCongress kuti vayedze kuita nhaurirano dzekuti vavhure mapazi ehurumende akavharwa.
Asi vachipindura mashoko aya, mutauriri wedare reHouse of Representatives vari nhengo yemaDemocrats Amai Nancy Pelosi vati handi chokwadi kuti kune dambudziko kumuganhu weAmerica neMexico.
Vatiwo VaTrump vari kubata hunhapwa vashandi vehurumende nekuti vashande vasingapihwe mari. Vanotungamira bato remaDemocrats mudare reSenate VaChuck Schumer vataura vachishoropodza mashoko aVaTrump.
VaSchumer vati zviri kuitwa naVaTrump hazvienderana nezvinomirira nyika yeAmerica. Vatiwo zviri nani kuti hurumende ivhurwe nhaurirano dzichiitwa.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu Muzvare Lucy Chivasa vari kuTexas, muAmerica pasi pechirongwa cheHubert H. Humphrey Fellowship Program vaudza Studio 7 kuti America inokwanisa kungodzika mitemo inoomesera vanopinza vanhu mabasa vasina mapepa akakwana.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vari kuOhio, muAmerica vati kunetsana uku nekuvharwa kwemamwe mapazi ehurumende kuri kukanganisa hupfumi hwenyika sezvo vashandi vehurumende vasingakwanise kutenga zvinhu zvakawanda kana vasina kutambiriswa.
Mukuyedza kusimbisa nyaya yavo yekuvaka mudhuri uyu, VaTrump vatri kutarisirwa kushanyira guta reMcAllen kuTexas. Mamwe mapazi ehurumende ave nemavhiki matatu akavharwa.
Facebook Forum