Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanonzi Vave Kuita Zviri Nani Kunyangwe Vakambotadza Kufema Zvakanaka Kaviri


VaTrump vachitaura vari kuchipatara cheWalter Reed neMugovera
VaTrump vachitaura vari kuchipatara cheWalter Reed neMugovera

Vana chiremba vari kurapa mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vave kunzwa zviri nani muchipatara mavari kurapwa chirwere cheCovid-19 zvekuti vanogona kuburitswa neMuvhuro.

Mumwe chiremba waVaTrump Dr Sean Conley vakati VaTrump vakambotadza kufema zvakanaka kaviri vakabatsirwa nemweya wekufema vasati vaendeswa kuchipatara nemusi weChishanu. Asi Dr Conley vanoti iko zvino vave kunzwa zviri nani chaizvo.

Vanachiremba vari kurapa VaTrump vanoti vari kuvapa mushonga weremdesivir uyo unonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano unobatsira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira zvakanyanya. Asi uchiri kuongororwa mashandiro avo navanamazvikokota.

Nyaya yemushonga wekurapa Covid-19 inyaya inoounza makakatanwa akanyaya pasi rose vamwe vachiti havatambire mushonga vamwe vachiti vanoutambira kana uchinge wawanikwa.

VaTrump vari muchipatara cheWalter Reed National Military Medical Center mudunhu reMaryland uye vakaburitsa vhidhiyo vachitenda vose vari kuvatumira mashoko ekuti vapore nekukasika.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Brighton Chireka vaudza Studio 7 kuti hapana dzidziso yakanyatsokwana nezvemishonga yekurapa Covid-19 iri kurapwa zvopa kuti vakwande vatadze kunyatsonzwisisa kuti zviri kufamba sei.

Hurukuro naDr Brighton Chireka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatungamiri venyika dzakawanda vari kutumira mashoko ekusimbisa mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump avo vakazivisa nemusi weChishanu kuti ivo nemudzimai wavo, Amai Melania Trump vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Vatumira mashoko vanosanganisira mukuru weWorld Health Organization VaTedros Adhanom Ghebreyesus, mutungamiri weGermany Chancellor Angela Merkel, mutungamiri weMexico VaAndres Manuel Lopez Obrador, mutungamiri weRussia VaVladimir Putin nevamwe.

Vari kukwikwidzana navaTrump musarudzo dzemwedzi unouya, VaJoe Biden vebato remaDemocrats, avo vakaita gakava kana kuti debate naVaTrump svondo rapera vanoti vakaongororwa vakawanikwa vasina chirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG