Accessibility links

Breaking News

VaTrump naVaBiden Voita Gakava reKupedzisira Sarudzo Dzisati Dzaitwa


VaTrump naVa Biden
VaTrump naVa Biden

Gakava rekupedzisira pakati pemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vebato remaRepublicans nevavari kukwikwidzana navo musarudzo dzemutungamiri wenyika VaJoe Biden vebato remaDemocrats raitwa mangawanani anhasi sezvange zvakatarisirwa.

Gakava iri raitirwa paCurb Event Center, paBelmont University muguta reNashville mundunhu reTennessee. Varume vaviri ava vatatsurana zvakasimba sezvo mazuva esarudzo aswedera.

Ange achikokera gakava iri mutori wenhau Kristen Welker wenhepenyuro yeNBC News uye ari mkutori wenhau wekambani iyi kuWhite House .

Nyaya dzakurukurwa dzinosanganisira yechirwere cheCovid-19, nyaya dzezvehupfumi, kugarisana kwemarudzi, kudzivirirwa kwenyika, hutungamiri, mamiririo ekunze nedzimwe.

Panyaya yechirwere cheCovid-19 VaTrump vati vane gwara rakajeka rekupedza dambudziko iri. Asi VaBiden vati VaTrump vakundikana zvachose.

Vanhu vave kuda kusvika zviuru mazana maviri nemakumi maviri nevatatu kana kuti 223 thousand vafa nechirwere ichi muAmerica uye chirwere ichi chabata vanhu vanodarika mamiriyoni masere vanove vakawandisa munyika dzepasi rose.

Kunyangwe pasingawanzotaurwa nenyaya dzevana vevanenge vachikwikwidzana musarudzo, VaTrump vaunza nyaya yemwana waVaBiden, Hunter Biden vachiti akaita zvehuori.

Asi VaBiden vati haana huori hwaakaita kuUkraine. Vange vaudza vatori venhau kuti vange vachitarisira kuti VaTrump vachapinza nyaya iyi mudariro kunyangwe yange isiri mugango.

VaTrump vatiwo ivo chete ndivo vane mazano ekusimbaradza hupfumi.

Asi VaBiden vati VaTrump vakundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi uhu hwaenda kumawere.

Imwe nyaya yakurukurwa ndeyekuda kupindira kwenyika dzakaita seRussia neIraq musarudzo dzemuAmerica.

MuAmerica vanhu vanovhota nehuwandu hwavo muguta kana kuti Electoral College. Izvi zvakasiyana nedzimwe nyika dzekuti anenge avhoterwa nevanhu vakawanda nyika yose ndiye anenge akunda musarudzo.

Matunhu akakosha zvikuru muAmerica anosanganisira Pennyslvania, North Carolina, Flodira, Michigan, Ohio nemamwe.

Kuti tinzwe kuti gakava raonekwa sei mune rimwe dunhu rakakosha reOhio, tabata chizvarwa cheZimbabwe VaZvidzai Ruzvidzo avo vati gakava ranhasi range rakarongeka sezvo VaTrump naVaBiden vange vasiri kungokandirana makobvu nematete sezvavakaita pane rekutanga.

Gakava range richionekwawo nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe kumativi mana ose kusanganisira keCzech Republic uko tabata VaWelcome Zimuto vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro kana kuti PHD paCzech University of Life Sciences vati magakava aya akakosha nekuti anopa mukana vanhu kuti vanyatsonzwa kubva kune vanenge vachida kutungamira kuti vane mazano api.

Magakava aya anorongwa nekomisheni yakazvimirira kana kuti Commission on Presidential Debates. Rimwe gaka rechipiri harina kuzoitwa sezvo VaTrump vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19 uye vakati vaisada kuita gakava padandemutande sezvange zvanzi zviitwe nekomisheni iyi.

Asi nhasi VaTrump vazivisa vatori venhau kuti vange vavhenekwa zvekare vakaonekwa kuti vapora kubva kuchirwere ichi. Sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica dziriko musi wa3 Mbudzi.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG