Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vokurudzira Kuti Vanhu Vape Ropa Munyika


Masangano evatori venhau eZimbabwe Union of Journalists ne Media Institute of Southern Africa – Zimbabwe, akabatana ne National Blood Services, aparura chirongwa chekukurudzira vanhu kuti vape ropa kusangano rinochengeta ropa.

Izvi zvinotevera kufa kwemutori wenhau aive nemukurumbira munyika, Freedom Moyo, svondo rapera.

Moyo akaita tsaona ndokurasikirwa neropa rakawandisa. Vana chiremba vepachipatara chaairapirwa vakanetseka zvikuru kuwana ropa rekuti abatsirwe kuitira kuti asarasikirwe nehupenyu hwake. Ropa rakazouya kubva kuBlood Transfussion Services asi hazvina kuzobatsira.

Masangano aya ari kukurudzira vanhu muHarare ne Bulawayo kuti vaende kunopa ropa muhurongwa huri kutanga neMugovera.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko kuNational Blood Services, Muzvare Esther Masunda, vanoti vanhu vakuru munyika ndivo vanopihwa ropa kunyanya asi vashoma shoma ndivo vari kupa ropa.

Mutevedzeri wasachigaro weMISA-Zimbabwe, Va Kumbirai Mafunda, vari kukurudzirawo veruzhinji kuti vaende kunopa ropa. Vati vatori venhau vacharamba vachipa kurudziro iyi nekuti vaona kurwadza kwazvo kana nyika ichinge isina ropa rakakwana.

XS
SM
MD
LG