Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vanoti Havana Kusungunuka Kunyangwe Hurumende Iri Kuvimbisa Kuvandudza Zvinhu


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa

Vatori venhau vanoti kusungwa kwavari kuitwa uye kumbovharwa kwemasaisai kunoratidza kuti hurumende haina kuchinja maitiro ayo.

Vachitaura pachiitiko cheBornwell Chakaodza Memorial Lecture Series icho chinoitwa neveVoluntary Media Council of Zimbabwe gore rega senzira yekucherechedza zuva World Press Freedom Day nekurangariria mupepeti wenhau aive nemukurumbira, VaBornwell Chakaodza, nyanzvi idzi dzati zvisinei nezviri kuitika, zvinofadza kuti hurumende yakazivisa kuti yave kubvisa mitemo inombunyikidza vatapi venhau, hapana chinobatika chati chaitika.

Vaimbove nhengo yeZimbabwe Media Commission zvakare vari gweta rezvemitemo yezvekutapwa kwenhau, VaChris Mhike, vanoti hurumende inofanira kuratidza kuti iri kurevesa kuti inoda kusunungura mashandiro evatori venhau nekusiyana netsika yekuramba ichivambunyikidza.

Mukuru wekambani yeAB Communications, Amai Susan Makore, vati vanofara chose kuti hurumende iri kuronga kuvandudza mitemo uye vati vanotarisira kuti mitemo mitsva icharerutsa mashandire nevatori venhau pamwe nemakambani.

Vati pane mitero yakawanda inobhadharwa nemakambani anotepfenyura munyika uye izvi zvinoita kuti makambani aya asare aine mari shoma izvo zvinoita kuti azotadze kubhadhara vatori venhau mihoro inofadza.

Vatiwo vanoda kuti mutemo mutsva uyu uburitse pachena makambani angagadzirise sei nyaya dzetanga wandida pabasa.

Vati pari zvino vatori venhau vechidzimai vari kushungurudzwa pamabasa zvakanyanya asi hapana mutemo wakajeka wekugadzirisa nyaya iyi.

Asi vamwe vakaita saVaNevanji Madanhire avo vakambopepeta bepanhau reThe Standard nemamwe vati kunyangee mitemo yezvekutapwa kwenhau ikavandudzwa, vatori vanofanira kushandura maitiro avo.

VaGeofrey Nyarota avo vakambopepeta mapepanhau akaita seChronicle neDaily News vati vanobvumirana naVaMadanhire vachiti vanoona sekuti vamwe vatori venhau vemazuvano havasi kuita basa nemazvo uye vave kuita zvematongerwo enyika vari pabasa.

Vati zvakakosha kuti vatori venhau vaite basa ravo zvine hunyanzvi vachiti izvi zvinoita kuti vawane ruremekedzo rwevanhu vavanonyora nezvavo zuva nezuva.

VaNyorata vatiwo zvakakosha kuti vatori venhau vatsingirane panoshungurudzwa vamwe vavo kana kudzingwa basa.

Vanodzidzisa zvidzidzo zvekutapwa kwenhau paHarare Polytechnic, VaAlezander Rusero, vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti vatori venhau vari kuita basa ravo nemazvo vachiti dambudziko riri pamamirire akaita zvinhu panyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti hurumende iri kuyedza napose painogona kuvandudza mitemo yesarudzo.

Amai Mutsvangwa vakurudzira vatori venhau vanenge vashungurudzwa kuti vaomhan’are kumapurisa.

Dare remakurukota rakatotambira hwaro hwemabhiri ekusunungura vatapi venhau uye vanoti vachaedza napose pavanogona napo kumabhiri aya aende kunozeiwa neparamende mwedzi uno usati wapera.

Mukoma waVaChakoadza, Muzvinafundo Austin Chakaodza vati vanofara chose kuti vatori nemasangano enhau munyika vari kuramba vachirangarira munin’ina wavo makore manomwe ashaya.

Vati zviri pachena kuti dai munin’ina wavo ari mupenyu angadai ari kunyora nyaya dzekutambura kweruzhinji munyika uye vatiwo vatori venhau havana kusunguka muZimbabwe.

VaChakaodza vakapeta mapenhau eHerald, Standard uye vakashanda mubazi rezvekuburitwa kwemashoko vari mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko. Pavakashaya vainge vari mutevedzeri wasachigaro webhodhi reVMCZ.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG