Accessibility links

Breaking News

Vatenderi ve Anglican Vanotadzazve Kupinda Muma Chechi Avo


Ukuwo mapurisa aiiti aisakwanisa kubatsira vatenderi ava kuti vapinde mumachechi avo nekuti ainge asati audzwa nevakuru vavo zvakaitika mudare svondo rapera.

Nhengo dze Anglican church, iri pasi pe Church of the Province of Central Africa, vakatadza zvakare kushandisa zvivakwa zvechechi yavo nezuro, sezvo vaimbova Bishop ve Harare, Va Nolbert Kunonga, vakaramba nemakiyi.

Ukuwo mapurisa aiiti aisakwanisa kubatsira vatenderi ava kuti vapinde mumachechi avo nekuti ainge asati audzwa nevakuru vavo zvakaitika mudare svondo rapera.

Dare re High Court rakarasa nyaya yainga yaunzwa kudare iri naVa Kunonga vachiedza kuvhara nyaya yainga yaunzwa neve Church of the Province of Central Africa vachivapikisa kuti ndivo muridzi wezvivakwa zve Anglican Church.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaKunonga. Baba Paul Gwese ve Church of the Province of Central Africa vati zvinorwadza kuti mitemo yematare haisi kutevedzerwa kana ichinga yapihwa nekuti mapurisa ari kutsigira Va Kunonga nguwa dzose.

XS
SM
MD
LG