Accessibility links

Breaking News

Vatambi veTenisi veChidiki Vokweshana muMakwikwi eMutambo Uyu


Vatambi vechidiki vemutambo wetenisi, vari kuita makwikwi makuru eNew Winners Tournament, ayo achatanga muHarare neChuipiri kuHarare Sports Club.

Makwikwi aya anopera nemusi weChina. Vatambi vechisikana nechikomana vanobva munharaunda dzakasiyana siyana vane makore gumi kusvika pamakore gumi nemasere vari kutarisirwa kunge vari mumakwikwi aya.

Makwikwi aya ndeekutsvaga hunyanzvi huri munyika pari zvino mumutambo wetenisi.

Munyori mukuru musangano reTennis Zimbabwe, Amai Patricia Mavhunduke, vanoti makwikwi iwaya achashandiswa kutsvaga hunyanzvi hwevechidiki vachazosarudzwa kumirira nyika mumutambo mukuru we Africa Junior Championship, uyo uchatambirwa muHarare pakati pemwedzi waNdira.

XS
SM
MD
LG