Accessibility links

Breaking News

Vatambi VeDynamos Vokumbira ZIFA Kuti Vapihwe Mugove Wavo We Champions League


Vatambi ve Dynamos vanyorera ZIFA tsamba kuti ipindire pagakava riri pakati pevatambi ava nechikwata chavo pamusoro pemari inosvika 380 thousand dollars ichapihwa Dynamos neve Africa Champion League.

Dynamos ndiyo yakamirira nyika ika kwanisa kusvika kumakwikwi eGroup Stages iakapihwa 100 thousand dollars.

Pari zvino iri kutarisira kupihwa 380 thousand.

ZIFA inoti inotarisira kuti Dynamos ichabata zvakanaka vatambi vayo kana mari iyi yogoviwa.

Acting Chief Executive Officer ve ZIFA, va Jonathan Mashingaidze, vanoti vakataura neDynamos kuti igadzisire zvinhu sezvo vasingabvumirwe kupindira munyaya dzakadayi.

XS
SM
MD
LG