Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vorambidzwa Kumirira Dzimwe Nhengo Dziri Kupomerwa Mhosva yeHuori Pamwe naVaMliswa


Komiti yakadomwa neparamende kuongorora nyaya yehuwori iri kupomerwa nhengo dzekomiti yezvezvicherwa dzinoti VaTemba Mliswa, VaLeonard Chikomba veZanu PF, VaPrince Sibanda naVaAnele Ndebele veMDC nhasi yarambidza gweta zvakare vari mumiriri weZengeza West muNational Assembly, VaJob Sikhala, kumirira VaSibanda naNdebele muongororo iyi ichiti izvi zvinopikisana nemitemo nemashandire eparamende.

Komiti iyi yange ichifanira kutanga kunzwa humbowo nhasi kubva kuna muzvinabhizimisi, VaJames Gross Goddrad avo vari kupomera nhengo dzeparamende idzi mhosva yehuwori uye sachigaro wekomiti iyi, Ishe Forune Charumbira, vati komiti yavo yaona zvisingakodzeri kuti VaSikhala vamirire nhengo dzeparamende vachiti senhengo yeparamende, VaSikhala vachazozeya zvinenge zvabuda muongororo iyi.

Asi VaSikhala vati vakazvipira kusazovepo pachazeiwa zvichabuda muongororo iyi uye vati VaSibanda naVaNdebele vakavadoma kuti vavamirire panyaya iyi.

Vati mutemo uno bvumidza munhu mumwe nemumwe kumirirwa negweta raanoda uye kuvarambidza kumirira vaviriri ava kutyora kodzero dzavo.

Asi VaCharumbira vati, nhengo dzekomiti yavo dzaona zvakakodzera kuti vaviri ava vatsvage mamwe magweta.

Izvi hazvina kufadza VaSikhala avo vati, vave kukwidza nyaya iyi kumatare kuti ambomisa ongororo iyi pamwe nekupa mutongo wekuti danho ratorwa nekomiti iyi riri pamutemo here kana kuti kwete.

Komiti iyi ine nhengo nomwe, mbiri kubva kubato reMDC ina kubva kuZanu PF naIshe Charumbira. VaSikhala vanoti vanoona sekuti komiti iyi yatora danho rayo ichiita zvematongerwo enyika.

Magweta enhengo ina dzeparamende idzi anotiwo haana kufara kuti komiti yeparamende iyi haina kuvapa magwaro ese anoita kuti vakwanise kumirira nhengo idzi.

Gweta raVaMliswa, Advocate Tawanda Zhuwara, vaudza Studio 7 kuti havana kunyatsouudzwa kuti chii chaizvo chirikudiwa nekomiti iyi.

Vatiwo pavanhu vasere vachapa humbowo kukomiti iyi, vakangopihwa gwaro raVaGoddard chete avo vari kupomera nhengo dzeparamende idzi nyaya yehuwori.

VaCharumbira vaudza magweta aya kuti achapihwa magwaro ese aarikuda nhasi uye komiti yavo yave kuzotanga kunzwa humbowo mangwana.

Kunze kwaVaGoddard, vamwe vanotarisirwa kupa humbowo kukomiti iyi, ndiVaDavid Stein, muzvinabhizimisi VaShepard Tundiya, Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, pamwe nhengo dzeparamende dzacho dziri kupomerwa mhosva.

Mune imwewo nyaya, makambani eeemafoni nhasi audza komiti yeparamende yeInformation Communication Technology kuti akwidza mitengo yawo zvichitevera gwaro rekufambisa mari kana kuti Monetary Policy yeRBZ iyo yakasiyanisa huremu wemaRTGS dollars nemadhora ekuAmerica.

Makambani aya ese anosanganisira Econet, TelOne nemamwe ati zvinhu zvizhinji zvaanoshandia zvinoda mari yekunze uye kunyange akakwidza mitengo ne150 percent, mari iyi inoteveshoma kana pachitariswa musiyano hwehuremu hwemari yemuno neyekuAmerica.

Mukuru weTelOne, Amai Chipo Mutasa, vati vaitoda kukwidza mutengo nezvikamu mazana maviri nemashanu kubva muzana kana kuti 250 percent uyewo kuti kukwidza kwavakaita mutengo kwabvumwa nehurumende zvichiburikidza nekambani yePostal and Telecommunications Regulatory Authority.

Vatiwo mutengo wemafuta emotokari pamwe nekusabhadhara kwehurumende kushandisa foni nezvimwe zvinopihwa nekambani iyi kuri kuvaomeserawo. Hurumende ine cheikwereti che$101million dollars kuTelOne.

Mukuru weEconet, VaDouglas Mboweni vati zvinhu zvakaoma asi havakwanisi kurega kuita bhizimisi sezvo vari kambani yemuno.

Vati hapana kambani yekunze ingauuye kuzoita bhizimisi muZimbabwe pari zvino nekuda kwekuoma kwakaita zvinhu.

Dr Mangudya vati hazvina kunaka kuti mabhizimisi akwikwidze mitengo achitarisa huremu hwemari yekunze sezvo zvisiri zvinhu zvose zvinoshandiswa nevebhizimisi ava zvinoda mari yekunze.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG