Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoti Votyisidzirwa neRufu muJeri reChikurubi


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mumiri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vanoti vave kutyira hupenyu hwavo mujeri reChikurubi mushure mekutyisidzirwa nerufu.

VaSikhala vanova mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance vamiswa zvakare pamberi pedare pavaudza dare kubudikidza nerimwe remagweta avo VaHarrison Nkomo kuti vakatyisidzirwa nerufu nemukuru wepajeri reChikurubi VaGeorge Mutimbanyoka.

VaNkomo vati VaSikhala vakasanganiswa nevasungwa vanomwe mujeri umu vakanga vabatwa nechirwere cheCovid-19 saka nokudaro vave kutyira hupenyu hwavo.

Mutongi panyaya iyi, VaLanzini Ncube vati vekumajeri vanofanira kuona kuti VaSikhala vachengetedzwa zvakanaka kujeri vasawane chinokanganisa hutano pamwe nehupenyu hwavo.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaGarudzo Ziyadhuma, vabvumawo chikumbiro chemagweta aVaSikhala chekuti jeri reChikurubi ripfapfaidzwe mushonga kuitira kuti vasungwa vasabatwe nechirwere cheCovid19 uye hurumende yavimbisa kuti ichaferefeta zvichemo zvaVaSikhala.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vapawo hufakazi mudare vachiti mapepa avakaratidzwa nemapurisa haana chinoratidza kuti VaSikhala vane mhosva yavakapara uye havana kupihwa mavhidhiyo ezvinonzi zvakataurwa naVaSikhala zvakazoita kuti vapomerwe mhosva.

Nokudaro, VaBamu vati hapana chikonzero chinoita kuti VaSikhala varambe vachimiswa pamberi pedare vachiti hapana kana fungidziro yekuti pane mhosva yavakapara.

VaSikhala vari mudare, vamwe vatsigiri vavo varatidzira panze pedare vachiti VaSikhala vanofanira kusunungurwa.

Mushure memaminitsi mashomana vatsigiri vaVaSikhala ava vachiratidzira mapurisa anorwisa mvongamupopoto arova varatidziri ava zvaita kuti vaite rutsoka ndibereke vachiita azivakwake azivakwake. Muchiitiko ichi pane vanhu vatatu vasungwa vakaendeswa kukamba yeHarare Central.

Nyaya yaVaSikhala yanzi idzoke mudare neChipiri apo magweta avo akatarisirwa kuenderera mberi nekusvitsva chikumbiro chekuti VaSikhala vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mune imwewo nyaya, mutongi wedare ramejasitiriti, VaNgoni Nduna, vatura mutongo wekuti Chin’ono arambe ari muhusungwa vachiti hapana chashanduka kubva paakambonyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaNduna vati hazvikodzere kuti Chin’ono aburitswe muhusungwa vachiti veruzhinji vachiri kuramba vachiisa mashoko paTwitter ekuti hurumende yeZanu PF inofanira kubva pachigaro.

Vati kunyange magweta aChin’ono achiti musi wa31 Chikunguru wakange washevedzerwa kuratidzira wakadarikachinangwa chaChin’ono chekuti hurumende yeZanu PF ibve pachigaro hachisati chazadziswa vachiti akabuditswa muhusungwa anogona kukonzeresa kuti vanhu varatidzire.

Rimwe gweta raChin’ono, VaGift Mtisi vatenda kuti izvi ndizvo zvataurwa mudare.

VaMtisi vati vave kuenda kudare repamusoro kunosvitsa chimwe chikumbiro chekuti Chin’ono atongwe achibva kumba.

Zvichakadaro, VaMtisi vati rimwe gweta raChin’ono, Amai Beatrice Mtetwa vari kurambidzwa kuona Chin’ono kujeri zvichitevera mutongo wakaturwa naVaNduna svondo rapera wekuti Amai Mtetwa vasamirire Chin’ono panyaya yake mudare mushure mekupomerwa mhosva yekunyora zvaiitika mudare nyaya ichiri mudare.

Asi Amai Mtetwa vakaramba mhosva iyi mudare vachiti havasi paFacebook uye peji rakanyorwa nyaya iri rakanga risiri ravo. VaMtisi vati vachaenda kudare repamusoro kuitira kuti Amai Mtetwa vakwanise kuona Chin’ono vachiti mutongo wakaturwa nedare haurambidze kumiririra Chin’ono kana asiri mudare.

Dare rati Chin’ono agodzoka kudare musi waGunyana 1 apo akatarisira kupihwa zuva richatanga kutongwa kwemhosva yaari kupomerwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG