Accessibility links

Breaking News

Vashandi veMumigodhi Vanoti Vanoda Kutambiriswa neMari dzekuAmerica


Illegal diamond dealer
Illegal diamond dealer

Vamwe vashandi vemumigodhi vanoti vave kubatana nevarairidzi, nanachiremba nevamwe vashandi mukuchema nerekuti vatambiriswe mari dzavo dzemihoro nemari yekuAmerica.

Vanoti mari dzavanotambira dzinofanira kuenzaniswa nedzinotambira vamwe vashandi vemumigodhi kune dzimwe nyika dzakakomberedza Zimbabwe.

Vachitaura nebepanhau reNew Zimbabwe Dot Com munyori mukuru wesangano re Zimbabwe Diamond and Allied Minerals Workers Union VaJustice Chinhema vanoti vashandi vemumigodhi havasi kubhadharwa zvakanaka.

Vanoti kunyangwe hazvo indasitiri yavo iri iyo inopinza mari yekunze, yakawanda kukunda dzimwe munyika, uye vachishanda zvakaomarara munzvimbo dzine njodzi, havawane muripo unoenderana nezvavanosangana nazvo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezvicherwa VaWalter Chidhakwa kuti tinzwe divi rehurumende.

Asi mukuru wesangano reCentre for Natural Resources Governance VaFarai Maguwu vanoti vashandi vemumigodhi havasi kubatwa zvakanaka uye vanotyorerwa kodzero dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG